Ruka 16
16
Mutariri usakarurama.
1Ɀino wakati ʋo kuʋadzidzi ʋake: Kwakaŋga kunomufumi, waiʋa nomutariri; iye akacerwa kwaari, ɀicinzi unoparadza fuma yake. 2Ipapo akamuɗana, akati kwaari: Iɀi ɀandinonzwa pamsoro pako ndeɀeiko? Ciɀiɗaʋirira pamsoro poʋutariri bgako; nokuti hauŋgazoʋi mutariri. 3Ɀino mutariri akati mumŋoyo make: Ndicaiteiko, ishe waŋgu ɀowonditorera ʋutariri bgaŋgu? Handinesimba rokurima naro; kukumbira ndinonyara. 4Ndinoziʋa ɀandicaita, kuti kana ndaɓuɗiswa paʋutariri, ʋandigamucire mudzimba dzaʋo. 5Ɀino akaɗana mumŋe nomumŋe wakaŋga anecikwerete nashe wake, akati kunowokutaŋga: Unecikwerete cakaɗiniko kunashe waŋgu? 6Iye akati: Makate anezana amafuta. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu. 7Akati kunomumŋe: Ko iwe, unecikwerete cakaɗiniko? Iye akati: Mateŋgu anezana eɀiyo. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, unyore makumi masere. 8Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakaŋga aita nokucenjera; nokuti ʋana ʋenyika ino ʋakacenjera parudzi rwaʋo kukunda ʋana ʋeciedza. 9Ndinoti kwamuri: Muɀiitire shamŋari neFuma isakarurama, kuti, kana yapera, ʋakugamucirei mudzimba dzisiŋgaperi. 10Wakatendeka paɀinhu ɀiɗuku‐ɗuku, wakatendeka ʋo paɀikuru; asi usakarurama paɀinhu ɀiɗuku‐ɗuku, haaŋgarurami ʋo paɀikuru. 11Naiɀoɀo kana musina‐kuʋa ʋakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko ucakutendai nefuma yaɀokwaɗi? 12Kana musina‐kuʋa ʋakatendeka paɀinhu ɀomumŋe, ndianiko ucakupai ɀenyu? 13Hakunomuranda uŋgagona kuɓatira ʋatenzi ʋaʋiri: nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe; hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.
Jesu unotuka ʋaFarise.
14Ɀino ʋaFarise, ʋakaŋga ʋaciɗa mari, ʋakanzwa iɀoɀo ɀose, ʋakamuseka. 15Akati kwaʋari: Imi munoɀiruramisa pamberi paʋanhu, asi Mŋari unoziʋa mŋoyo yenyu; nokuti iɀo ɀinokudzwa pakati paʋanhu, ɀinonyaŋgadza pamberi paMŋari. 16Murairo naʋaprofita ɀakaŋga ɀiri’po kuȿikira kunaJohane; kubva paŋguʋa iyo ʋushe bgaMŋari bgunoparidzwa, mumŋe nomumŋe unopinda mabguri nesimba. 17Asi ɀakareruka kuti kuɗeŋga nenyika ɀipfuʋure, pakuti tsaŋga imŋe yomurairo ikoneswe. 18Mumŋe nomumŋe unorasha mukadzi wake, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; ʋuye mumŋe nomumŋe unowana wakarashwa nomurume, unoita ʋupombge.
Mufananidzo womufumi naRazaro.
19Mumŋe mufumi wakaŋga ari’po, waipfeka ŋguʋo tȿuku nemiceka yakanaka, nokufarira ɀakaiȿo‐naka misi yose. 20Ɀino mumŋe murombo, wainzi Razaro, wakaŋga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuʋo rake, 21aciɗa kuɀigutisa neɀaiwa patafura romufumi; kunyaŋge nembga dzaiʋuya dzicinanɀa maronda ake. 22Ɀino murombo wakati afa, ʋatumŋa ʋakamuisa pacifuʋa caAbrahama. Mufumi akafa ʋo, akaʋigwa. 23Ɀino ari paHadesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumsoro, akaʋona Abrahama ari kure, naRazaro ari pacifuʋa cake. 24Akaɗanidzira, akati: Ƃaɓa Abrahama, ndinzwirei ŋgoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwaŋgu, nokuti ndinorwadziwa nomuraɀo uyu womŋoto. 25Abrahama akati: Mŋana, fuŋga kuti wakapiwa ɀakanaka ɀako paʋupenyu bgako; naRazaro, saiɀoɀo wakapiwa ɀakaipa; asi ɀino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa. 26Ʋuye paɀinhu iɀi ɀose, mukaha mukuru wakaiswa pakati peɗu nemi, kuti ʋoʋuno ʋanoɗa kuenda mhiri kwamuri, ʋakoniwe, noʋo’ko ʋarege kuyambukira kwatiri. 27Ipapo akati: Ndinokumbira kwamuri Ƃaɓa, kuti mumutumire kumba kwaɓaɓa ʋaŋgu; 28nokuti ndinaʋanuŋuna ʋashanu; kuti andonatso‐ʋapupurira, kuti ʋarege kuʋuya ʋo panɀimbo ino yokurwadziwa. 29Abrahama akati: Mosesi naʋaprofita ʋanaʋo, ŋgaʋaʋanzwe iʋo. 30Iye akati: Kwete, Ƃaɓa Abrahama, asi kana mumŋe akabva kuʋakafa, akaenda kwaʋari, ʋaŋgatendeʋuka. 31Akati kwaari: Kana ʋasiŋganzwi Mosesi naʋaprofita, haʋaŋgatendiswi, kunyaŋge mumŋe akamuka kuʋakafa.
Currently Selected:
Ruka 16: SUB1949
ማድመቅ
Share
Copy
ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018