Johani 14
14
Jesu ndiye nzira nechokwadi noupenyu hwomunhu
1“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika
tendai muna Mwari mutendewo mandiri.
2Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda
dai kwakanga kusina
ndingadai ndakakuudzai.
Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara.
3Kana ndandokugadzirirai pokugara
ndichauyazve ndozokutorai
kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo.
4Nzira yokwandinoenda munoiziva.”
5Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?” 6Jesu akamuti kwaari,
“Ndini nzira nechokwadi noupenyu.
Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri.
7Dai maindiziva maizivawo Baba vangu
asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.”
8Firipi akati, “Tenzi tiratidzei Baba tinobva tagutsikana.” 9Jesu akati kwaari,
“Nhai Firipi, ko zvandagarazve nguva ndefu yakadai nemi,
nanhasi wose haundizivi?
Inga wani akaona ini akaona Baba.
Zvino ungagoti seiko tiratidzei Baba?
10Haudaviri here kuti ndiri muna Baba
uye kuti Baba vari mandiri.
Zvandinotaura kwamuri
hazvisi zvomusoro wangu
asi kuti Baba vanogara mandiri
ndivo vanenge vachiita mabasa avo.
11Nditendei kuti ini ndiri muna Baba
uye kuti Baba vari mandiri
kana kuti nditendei nokuda kwamabasa pachawo.
12“Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri,
anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita
uye achaita mabasa akatokura kupinda aya
nokuti ndava kuenda kuna Baba.
13Chiri chose chamunokumbira
muzita rangu ndichachiita
kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
14Kana mukakumbira chii zvacho
muzita rangu ini ndichachiita.
Jesu anovimbisa Mweya Mutsvene
15“Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu.
16Iniwo ndichakumbira Baba,
ivo vachakupai mumwe Murevereri#14:16 Murevereri: Mumiriri akaita segweta mudare redzimhosva, murandutsiri.
achava nemi nokusingaperi.
17Ndiye uya Mweya wechokwadi
iyeyo pasi pano hapagoni kumugamuchira
nokuti hapamuoni kana kumuziva;
imi munomuziva nokuti anogara nemi
uye achava mamuri.
18“Handikusiyei muri nherera
ndichauyazve kwamuri.
19Kwasara chinguvana chiduku, pasi hapazondiona.
Asi imi muchandiona zvenyu
pamusana pokuti ini ndiri mupenyu imiwo muchava vapenyu.
20Ipapo ndipo pamuchaziva
kuti ini ndiri muna Baba vangu
imi muri mandiri#14:20 Muri mandiri: Pfungwa iyi inogona kutaurwawo ichinzi imiwo makaita somunhu mumwechete neni kana kuti imiwo muneni kana kuti imiwo makabatana neni. iniwo ndiri mamuri.
21Munhu ane mitemo yangu
achiichengeta, ndiye munhu anondida;
uyo anondida achadidawo naBaba vangu
iniwo ndichazviratidza kwaari.”
22Judhasi, kwete Isikarioti, akati kwaari, “Tenzi nemhaka yei muchizviratidza kwatiri musingazviratidzi kunyika.” 23Jesu akamupindura achiti,
“Kana munhu achindida anochengeta izwi rangu
Baba vangu vachamuda tozobva touya kwaari
toita musha wedu maari.
24Munhu asingandidi haachengeti mazwi angu,
izwi ramuri kunzwa harisi rangu
asi kuti nderaBaba vakandituma.
25“Zvinhu izvi ndazvitaura
kwamuri ndichinemi.
26Asi Murevereri uya, Mweya Mutsvene
achatumwa naBaba muzita rangu,
iye achakudzidzisai zvinhu zvose
achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri.
27Ndinokusiirai rugare,
ndinokupai rugare rwangu.
Handikupei sokupa kunoita nyika.
Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye ngairege kutya.
28Mandinzwa ndichiti kwamuri ndiri kuenda,
ndichauyazve kwamuri.
Dai muchindida mungadai matofara kwazvo
kuti ndiri kuenda kuna Baba
nokuti Baba vakuru kwandiri.
29Zvino ndakutaurirai izvi
zvisati zvaitika
kuti kana zvoitika mutendhe.
30Handichataura nemi zvakawanda
nokuti mutongi wapasi pano ari kuuya
asi hapana chaanondiita.
31Asi ini ndinoita zvandakaudzwa naBaba
kuti pasi pazive kuti ndinoda Baba.
Chisimukai tiende.”
Цяпер абрана:
Johani 14: SCLB
Пазнака
Падзяліцца
Капіяваць
Хочаце, каб вашыя адзнакі былі захаваны на ўсіх вашых прыладах? Зарэгіструйцеся або ўвайдзіце
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

:
Пазнака
Падзяліцца
Капіяваць
Хочаце, каб вашыя адзнакі былі захаваны на ўсіх вашых прыладах? Зарэгіструйцеся або ўвайдзіце
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.