Johani 18
18
II: DAMBUDZIKO NORUFU RWAJESU (18—19)
Kusungwa kwaJesu
(Mat 26:45–56; Mak 14:43–50; Ruka 22:47–53)
1Jesu paakapedza kutaura izvi akabuda navadzidzi vake akayambukira kumhiri kwekakova Kedhironi kwaiva nebindu raakapinda navadzidzi vake. 2NaJudhasi, uya akazomumupandukira aizivawo nzvimbo iyoyo, nokuti Jesu aipota achiungana navadzidzi vake ikoko. 3Ipapo Judhasi akapiwa boka ramasoja namapurisa avaPristi vakuru navaFarisei. Akaenda nemwenje namazhenje nezvombo zvokurwa. 4Sezvo Jesu aiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari akauya kwavari akavati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” 5Vakamupindura vachiti, “Jesu weNazareti.” Jesu ndokuti kwavari, “Ndini, Judhasi, uya akamupandukira akanga amire pamwechete navo.” 6Paakati kwavari, “Ndini” vakabva vadzokera neshure vakawira pasi. 7Jesu akavabvunzazve akati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Ivo vakati, “Jesu weNazareti.” 8Jesu akavapindura achiti, “Inga wani ndakutaurirai kuti Ndini. Kana muri kutsvaka ini chiregai ava vaende zvavo.” 9Izvi zvaizadzisa zvaakanga ataura achiti, “Pane vamakandipa hapana wandakarasikirwa naye.”
10Zvino Simoni Pita akanga aine bakatwa akabva ariti wee muhara maraiva ndokutema nzeve yorudyi yomuranda womupristi mukuru akaidimura. Zita romuranda wacho rainzi Marikosi. 11Jesu akati kuna Pita, “Dzorera bakatwa rako muhara#18:11 Muhara: Kana kuti mumuhara (k). maro. Handifaniri here ini kunwa mukombe wenhamo wandakapiwa naBaba vangu?”
Jesu anoendeswa kuna Anasi
12Chikwata chamasoja chiya nomutungamiri wacho namapurisa avaJudha chakabata Jesu chikamusunga. 13Vakatanga vaenda naye kuna Anasi nokuti aiva tezvara waKaifasi akanga ari Mupristi mukuru gore iroro. 14Kaifasi ndiye uya akanga ambopa zano kuvaJudha rokuti zviri nani kuti munhu mumwechete afire vanhu.
Pita akaramba Jesu
(Mat 26:69–70; Mak 14:66–68; Ruka 22:55–57)
15Simoni Pita akatevera Jesu nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu zvaaizivikanwa nomupristi mukuru akapinda muruvanze rwomupristi mukuru pamwechete naJesu. 16Izvozvo Pita akamira kunze pasuo guru. Naizvozvo mumwe mudzidzi uya aizivikanwa nomuPristi mukuru akabuda akandotaura nomusikana webasa aichengeta pasuo guru akapinza Pita mukati. 17Musikana uya webasa aichengetedza pasuo guru akati kuna Pita, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Pita akati, “Handisiri.” 18Ipapo varanda namapurisa vakanga vabatidza moto wamazimbe nokuti kwaitonhora. Ivo vakanga vamire vachidziya moto. Pitawo akanga anavo vakamira achidziya moto.
Mupristi mukuru anobvunza Jesu
(Mat 26:59–66; Mak 14:55–64; Ruka 22:66–71)
19Mupristi mukuru akabvunza Jesu nezvavadzidzi vake uye nezvedzidziso cyake. 20Jesu akamupindura achiti, “Inga ndaitaura pachena kupasi pose, ndaidzidzisa mumasinagogu nomuTemberi munounganwa navaJudha vose. Hapana chandakataura pachivande. 21Ko munobvunzirei ini. Dai matobvunza zvenyu vakandinzwa ndichitaura kwavari. Ivo vanoziva zvandaireva kwavari.” 22Paakataura izvi mumwe mupurisa akanga amire padyo, akarova Jesu nembama achiti, “Ndiko kupindura kwaungaite mupristi mukuru ikoko?” 23Jesu akamupindura achiti, “Kana pane chandatadza mukutaura kwandaita tiudze chandakanganisa. Ko kana ndataura zvakanaka wagondirovereiko?” 24Anasi akamuendesa akasungwa kuna Kaifasi mupristi mukuru.
Pita anorambazve Jesu kaviri
(Mat 26:71–75; Mak 14:69–72; Ruka 22:58–62)
25Zvino Simoni Pita akanga akamira achidziya moto. Vakamuti, “Hausi mumwe wavadzidzi vake here iwe?” Akaramba achiti, “Handisiri.” 26Mumwe wavaranda vomupristi mukuru, hama yomurume uya akachekwa nzeve naPita akamubvunzawo achiti, “Handina kukuona here iwe uinaye kubindu kuya?” 27Pita akarambazve; ipapo jongwe ndokubva rakukuridza.
Jesu mudare raPirato
(Mat 27:1–2,11–14; Mak 15:1–5; Ruka 23:1–5)
28Vakazobvisa Jesu kumba kwaKaifasi vachienda naye kumuzinda womutongi wenyika. Aya aiva mangwananingwanani ivo pachavo havana kupinda mumuzinda imomo kuti varege kun'oreswa vachiitira kuti vawane madyiro ePasika. 29Naizvozvo Pirato akaenda kwavari akati, “Imhosvaiko yamunoti yakaparwa nomunhu uyu?” 30Vakamupindura vachiti, “Dai munhu uyu anga asina mhosva, tingadai tisina kumuturira kwamuri.” 31Pirato akavati, “Chimutoraika iyemi mundomutonga maererano nomutemo wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Isu hatibvumirwi kuuraya munhu.” 32Izvi zvaiva zvokuzadzisa zvakanga zvambotaurwa naJesu zvokuti aizofa norufu rwakaita sei?
33Pirato akapindazve mumuzinda akadaidza Jesu akati kwaari, “Iwe uri mambo wavaJudha here iwe?” 34Jesu akapindura achiti, “Izvi zviri kubva mupfungwa dzenyu here kana kuti matotaurirwa navamwe nezvangu?” 35Pirato akapindura achiti, “Ko ini ndiri muJudha here'ni? Rudzi rwako navaPristi vakuru ndivo vakuturira kwandiri. Chii chawakaita iwe?” 36Jesu akapindura achiti, “Umambo hwangu hausiri hwapasi pano. Dai umambo hwangu huri hwapasi pano, varanda vangu vangadai varwisa kuti ndirege kuiswa mumaoko avaJudha. Zvino umambo hwangu hausi hwapasi pano.” 37Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.” 38Pirato akabva amuti, “Chokwadi chii?”
Jesu anotongerwa rufu
(Mat 27:15–31; Mak 15:6–20; Ruka 23:13–25)
Paakapedza kutaura izvi akaendazve kuvaJudha akavataurira kuti, “Ini handioni mhosva yaanayo 39asi imi munetsika yokuti ndinofanira kukusunungurirai munhu mumwechete paPasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha?” 40Vakadaidzirazve vachiti, “Kwete munhu uyu asi Bharabhasi,” zvino Bharabhasi akanga ari gororo.
Цяпер абрана:
Johani 18: SCLB
Пазнака
Падзяліцца
Капіяваць
Хочаце, каб вашыя адзнакі былі захаваны на ўсіх вашых прыладах? Зарэгіструйцеся або ўвайдзіце
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: