Johani 20

20
III: ZUVA RAKAMUKA JESU
Guva risina chirimo
(Mat 28:1–8; Mak 16:1–8; Ruka 24:1–12)
1Pazuva rokutanga revhiki Maria Magadharena akafumouya kuguva kuchakasviba. Akaona kuti dombo rakanga rabviswa paguva. 2Ipapo akamhanyira kuna Pita nomumwe mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kwavari, “Vabvisa Tenzi muguva zvino hatizivi kwavamuisa.”
3Pita akabuda pamwechete nomumwe mudzidzi uya vakaenda kuguva kuya. 4Vakamhanya vose. Mumwe mudzidzi uya akamhanya zvokusiya Pita akandotanga kusvika kuguva. 5Asi akakotama achidongorera akaona machira erineni ari pakadaro asi iye haana kupindamo. 6Simoni Pita akazouyawo achimutevera akapinda muguva. Akaonawo machira aya ari pakadaro apo. 7Nejira duku raiva kumusoro wake rakanga risiri pano mamwe machira asi rakanga rakapetwa riri paro roga. 8Mumwe mudzidzi uya akatanga kusvika paguva, akapindawo akaona akatenda. 9Kusvikira ipapo vakanga vasati vanzwisisa Magwaro Matsvene anoti, “Anofanira kumuka kuvakafa.” 10Vadzidzi vakadzokera kumisha yavo.
Maria Magadharena anoona Jesu amuka
(Mat 28:9–10; Mak 16:9–11)
11Asi Maria akamira kunze pedyo neguva achichema. Paaichema kudaro akakotama achitarisa muguva. 12Akaona vatumwa vaviri vakapfeka zvichena vakagara pakanga pakaradzikwa Jesu. Mumwe ari kumusoro mumwe ari kumakumbo, vakamuti, 13“Nhai, mudzimai iwe uri kuchemeiko?” Iye akavati, “Nokuti vatora Tenzi wangu uye handizivi kwavamuisa.” 14Achingoti taurei izvi akatendeuka ndokuona Jesu akamira asi haana kuziva kuti ndiJesu. 15Jesu akati kwaari, “Mudzimai iwe uri kuchemeiko, uri kutsvaga ani?” Zvaakafunga kuti murimi akati kwaari, “Changamire, kana murimi mamubvisa nditaurirei kwamandomuradzika ndindomutora.” 16Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akabva atendeuka akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni” zvinoreva kuti, “Mudzidzisi.” 17Jesu akati kwaari, “Usandibate nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undoti kwavari ndiri kuenda kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
18Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akavaparidza kuti, “Ndaona Tenzi uye ataura izvi kwandiri.”
Jesu amuka muvafi anoonekwa navadzidzi vake
(Mat 28:16–20; Mak 16:14–18; Ruka 23:36–49)
19Manheru ezuva rakarero, zuva rokutanga revhiki Jesu akauya mumba maiva navadzidzi; izvozvo makonhi amavakanga vari akanga akaiswa zvihuri pamusana pokutya vaJudha. Akasvikomira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” 20Paakataura izvi akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakabva vafara pavakaona Tenzi. 21Jesu akavatizve,
“Rugare ngaruve nemi!
Sokundituma kwakaita Baba
neni ndinokutumaiwo saizvozvo.”
22Paakapedza kutaura izvi, akafemera pavari akati kwavari,
“Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23Kana mukaregerera vanhu zvitadzo zvavo,
zvinobva zvaregererwa.
Kana mukaramba kuvaregerera havaregererwi.”
Tomasi akamboramba kuti Jesu amuka
24Tomasi mumwe wavanegumi navaviri ainzi Mapatya, akanga asinavo pakauya Jesu. 25Ipapo vamwe vadzidzi vakamutaurira kuti, “Taona Tenzi.” Asi iye akavati, “Kana ndisina kutoona mavanga ezvipikiri mumaoko ake ndikapinza munwe wangu mumavanga iwayo ndikapinzawo chanza changu parutivi pake handitendi.” 26Mushure memazuva masere vadzidzi vake vakanga vari mumba muyazve uye Tomasi akanga ainavo. Makonhi akanga akapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” 27Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.” 28Tomasi akamupindura achiti, “Ndimi Tenzi wangu naMwari wangu.” 29Jesu akati kwaari,
“Watenda nokuti wandiona nhai?
Vakakomborerwa zvavo
vanotenda ivo vasina kundiona.”
Chinangwa chebhuku rino
30Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji vadzidzi vake vachiona zvisina kunyorwa mubhuku rino iri. 31Izvi zvakanyorwa kuti mudavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari uyewo kuti nokutenda ikoko muve noupenyu muzita rake.

Цяпер абрана:

Johani 20: SCLB

Пазнака

Падзяліцца

Капіяваць

None

Хочаце, каб вашыя адзнакі былі захаваны на ўсіх вашых прыладах? Зарэгіструйцеся або ўвайдзіце