YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 9

9
Sungano pakati paNoa naMwari
1Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekai, muwande, muzadze nyika. 2Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu. 3Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema. 4Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo. 5Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu. 6Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake. 7As imi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.”
8Zvino Mwari akataura naNoa navanakomana vake vakanga vanaye, akati, 9“Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai; 10nezvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika. 11Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.” 12Ipapo Mwari akati, “Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi. 13Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. 14Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore, 15ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama. 16Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.” 17Mwari akati kuna Noa, “Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika.”
Vanakomana vaNoa
18Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani. 19Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo.
Kutadza kwaNoa nokutukwa kwaKenani
20Noa akatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa; 21akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake. 22Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazivisa vakuru vake vaviri. 23Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo. 24Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanakomana wake muduku, 25akati,
“Kenani ngaatukwe;
achava muranda wavaranda kuvakuru vake.”
26Akati,
“Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe,
Kenani ngaave muranda wake.
27Mwari ngaakurise Jafeti,
ngaagare mumatende aShemu,
Kenani ngaave muranda wake.”
28Noa akagara shure kwemvura zhinji makore ana mazana matatu namakumi mashanu. 29Mazuva ose aNoa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.

Currently Selected:

Genesi 9: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in