Nziyo 6
6
Munamato wepanguva yenhamo
Muimbisi, urwu rwiyo rwunoimbwa navane zvokuimbisa zvine tambo dzewaya zvinoimba netambo yechisere yamahon'era. Rumbo rwaDhavhidhi.
1TENZI musanditsiure muine hasha,
kana kundiranga makashatirwa.
2Ndiitireiwo tsiye nyoro, TENZI
nokuti ndapera simba
TENZI, ndirapeiwo nokuti mapfupa angu
apera basa.
3Mweya wanguwo wapinda nhamo;
asi nhai, TENZI, kusvikira rini chaizvo?
4Dzokai TENZI mundiponese.
Ndinunurei pamusana pemwoyochena wenyu.
5Nokuti kana munhu afa haakuyeukei;
ndiani angakurumbidzei munzvimbo yavakafa.
6Ndaneta nokuchema, usiku hoga hoga,
ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi yangu.
Ndinonyorovesa uvato hwangu nokuchema kwangu.
7Maziso angu arezuka nokurwadziwa mwoyo;
anoshaya simba pamusana pemhandu dzangu dzose.
8Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa
nokuti TENZI akanzwa izwi rokuhwihwidza kwangu.
9TENZI akanzwa chichemo changu.
TENZI akagamuchira munamto wangu.
10Vavengi vangu vose vachanyara
vagotambudzwa zvinorwadza?
Vachadzoka vagonyadziswa pakarepo.
Currently Selected:
Nziyo 6: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

:
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.