Mavambo 13
13
Kuparadzana kwaAbhuramu naRoti
1Abhuramu akabva muIjipiti iye nomudzimai wake nezvinhu zvose zvaaiva nazvo pamwechete naRoti vakaenda kuNegevhu.
2Abhuramu akanga akapfuma kwazvo. Aiva nemombe nesirivha nendarama. 3Akazosumuka muNegevhu akafamba kudzamara asvika kuBhetieri padongo riya raakanga akadzika matendhe ake pakutanga riri pakati peBhetieri neAi, 4paya paakavaka atari pakutanga. Ipapo Abhuramu akanamata kuna Yahweh achimudoma nezita.
5Roti uya aifamba naAbhuramu aivawo nemombe nezvimwewo zvipfuwo namatendhe ake 6zvokuti kwakanga kusina mafuro akakwana okufudzira zvipfuwo zvavo pamwe chete. Upfumi hwavo hwakanga hwakawandisa zvokuti vakanga vasisakwanise kuchange vachagara pamwechete. 7Pakanga pangove nokupopotedzana pakati pavafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nezvaRoti. Panguva iyoyo vaKanani nevaPerizi vakanga vachigerewo munyika iyoyo.
8Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama. 9Inga nyika ndiyo yese iyi yawakatarisa. Dai tikachiparadzana zvedu. Kana ukasarudza kuenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi. Kana ukasarudza kuenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” 10Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora. 11Saka Roti akazvisarudzira bani rose romuna Jorodhani, akabva atamira kumabvazuva. Ndiko kuparadzana kwavakaita. 12Abhuramu akagara munyika yeKanani, Roti akandogarawo pakati pamaguta aiva mubani riya, akadzika matendhe ake pedyo neSodhomu. 13Vanhu veSodhomu vakanga vakaipa mwoyo, vaitadzira Tenzi kwazvo.
Abhuramu anotamira kuHebhuroni
14Kuzoti Abhuramu naRoti vaparadzana Tenzi akataurira Abhuramu achiti, “Uri pauri ipapo, tarisa kuchamhembe nokumaodzanyemba, kumabvazuva nokumadokero, 15nokuti nyika iyoyi yose yauri kuona ndichaipa kwauri nezvizvarwa zvako nokusingaperi. 16Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande seguruva renyika zvokuti kana kuine munhu anogona kuverengeta guruva renyika ndiye angagonewo kuzoverenga zvizvarwa zvako. 17Chisimuka ufambe uchimema nyika iyoyi uone kureba kwayo noupamhi hwayo, nokuti ndiyoyi nyika yandichakupa.” 18Ipapo Abhuramu akandodzika matendhe ake paiva nemiti yemioku paMamure kuHebhuroni, akavakira Tenzi atari ipapo.
S'ha seleccionat:
Mavambo 13: SCLBD
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: