Johani 3
3
Hurukuro yaJesu naNikodhimasi
1Kwaiva nomumwe munhu webato ravaFarisei ainzi Nikodhimasi, mumwe wedare ravaJudha. 2Murume uyu akauya kuna Jesu nousiku akati kwaari, “Rabhi tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti Mwari ainaye.” 3Jesu akamuti,
“Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri,
‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva#3:3 Patsva: Izwi rechiGiriki rinogona kurevawo kuti kuberekwa uchibva kumusoro.
haangaoni umambo hwaMwari.’ ”
4Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?” 5Jesu akapindura achiti,
“Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri,
‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya
haangapindi muumambo hwaMwari.
6Chinenge chazvarwa nenyama inyama
chinenge chazvarwa naMweya mweya
7usashamisike nezvandati
unofanira kuzvarwa patsva.
8Mhepo inovhuvhuta kwainoda,
unonzwa kuvhuvhuta kwayo
asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda.
Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose
anoberekwa naMweya.’ ”
9Nikodhimasi akamupindura achiti, “Izvi zvingaitike sei?” Jesu akamupindurawo achiti,
10“Iwe uri mudzidzisi weIsiraeri kudai
haunzwisisi zvinhu izvi sei?
11Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri
tinotaura zvatinoziva
uye tinopupura zvatakaona
asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.
12Kana ndikakutaurira nezvepasi hamutendi
mungatende sei kana ndikataura nezvokudenga.
13Hapana akambokwira kudenga
kusiya iye akaburuka achibva kudenga,
mwanakomana womunhu.”
14Sokusimudzira nyoka mudenga kwakaita Mosesi murenje
saizvozvo Mwanakomana womunhu
anofanira kusimudzwawo, 15kuti munhu wose
anotenda maari awane upenyu husingaperi.
16Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa
Mwanakomana wake mumwechete
kuti munhu wose anotenda maari arege kufa,
asi kuti awane upenyu husingaperi.
17Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake
pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye.
18Anotenda maari haapihwi mhosva
asi asingatendi maari atova nemhosva
nokuti haana kutenda muzita
roMwanakomana mumwechete oga waMwari.
19Mhosva yacho ndeyiyi yokuti
chiedza chakauya pasi pano
asi vanhu vakada rima panze pokuda chiedza,
nokuti mabasa avo akanga akaipa.
20Nokuti munhu wose anoita zvakaipa
anovenga chiedza uye haauye kuchiedza
kuitira kuti mabasa ake arege kuburitswa pachena.
21Asi anoita zvechokwadi anouya kuchiedza
kuti zvionekwe pachena
kuti mabasa ake akaitwa muna Mwari.
Johani anopupurira Jesu Kokupedzisira
22Mushure maizvozvi Jesu navadzidzi vake vakaenda kunyika yeJudhea. Akambogarako navo achiombeka. 23Johani aiombekawo ari kuAinoni pedyo neSarimu nokuti ikoko kwaiva nemvura zhinji. Vanhu vaiuya vachiombekwa. 24Izvozvi Johani akanga asati aiswa mujeri.
25Pakamuka nharo pakati pavadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro pezvokuchenurwa. 26Vakauya kuna Johani vakati, “Rabhi munhu uya wamaiva naye kumhiri kwaJorodhani wamakapupurira uya hoyo wavakuombeka, vanhu vose vavakuenda kwaari.” 27Johani akapindura achiti,
“Hakuna munhu angawane chinhu
kusiya chaanenge atopiwa chichitobva kudenga.
28“Imi pachenyu mungatondipupurirawo kuti ndakati: handisini iye Kristu asi ndakatumwa kufanouya mberi kwake.
29“Mwenga achichata ndewemuwani.
Shamwari yomuwani
inomira ichiteerera achitaura;
inofara zvikuru kunzwa izwi romuwani.
Saizvozvo rufaro rwanguwo rwazara kuti tuba.
30Iye anofanira kukwirira
ini ndinofanira kuderera.
Jesu ndiye anobva kudenga
31“Iye anobva kumusoro
ari pamusoro pavose.
Wapanyika ndewapanyika
uye anotaura nezvapanyika;
uyo anobva kudenga ari pamusoro pavose.
32Zvaakaona nezvaakanzwa ndizvo zvaanopupura
asi uchapupu hwake ihwohwo hauna anohugamuchira.
33Munhu anogamuchira uchapupu hwake ihwohwo
anotsinhira kuti, Mwari ari pachokwadi.
34Nokuti akatumwa naMwari
anotaura mazwi aMwari
nokuti Mwari haana kumupa Mweya achiita zvokuera.
35Baba vanoda Mwanakomana
uye vakaisa zvinhu zvose mumaoko ake.
36Anotenda muna Mwanakomana anoupenyu husingaperi
uyo asingateereri Mwanakomana haamboona upenyu
asi hasha dzaMwari dzichanangana naye.”
S'ha seleccionat:
Johani 3: SCLBD
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

:
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.