1
Ruka 17:19
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.”
Sammenlign
Udforsk Ruka 17:19
2
Ruka 17:4
Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.”
Udforsk Ruka 17:4
3
Ruka 17:15-16
Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru; akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria.
Udforsk Ruka 17:15-16
4
Ruka 17:3
“Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire.
Udforsk Ruka 17:3
5
Ruka 17:17
Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko?
Udforsk Ruka 17:17
6
Ruka 17:6
Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai.
Udforsk Ruka 17:6
7
Ruka 17:33
Ani naani anotsvaka kungwarira upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa nahwo, achahuraramisa.
Udforsk Ruka 17:33
8
Ruka 17:1-2
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye azvinouya naye. Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.
Udforsk Ruka 17:1-2
9
Ruka 17:26-27
Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu; vaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose.
Udforsk Ruka 17:26-27
Hjem
Bibel
Læseplaner
Videoer