Genesi 21
21
Kuberekwa kwaIsaka
1Zvino Jehovha wakashanyira Sara, sezvaakataura; Jehovha akaitira Sara sezvaakavaudza. 2Sara akava nemimba, akaberekera Abhurahamu mwanakomana pakukwegura kwake nenguva iyeyo yakanga yarehwa naMwari. 3Abhurahamu akatumidza mwanakomana wake, waakaberekerwa naSara, zita rinonzi Isaka. 4Abhurahamu akadzingisa mwanakomana wake Isaka aita mazuva masere, sezvaakarairwa naMwari. 5Abhurahamu wakanga asvika makore ane zana, nguva yaakaberekerwa mwanakomana wake Isaka. 6Ipapo Sara akati, “Mwari wandisekesa; vose, vanonzwa izvozvi, vachaseka neni.” 7Akati, “Ndianiko waitongoti kuna Abhurahamu, ‘Sara achayamwisa vana?’ Nokuti ndakamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.”
8Mwanakomana wakazokura, akarumurwa; Abhurahamu akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwaIsaka. 9Zvino Sara akaona mwanakomana waHagari, muIjipiti, waakaberekera Abhurahamu, achiseka. 10Saka wakati kuna Abhurahamu, “Dzinga mubatiri uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka.” 11Shoko iro rakanga rakaipa kwazvo kuna Abhurahamu, nokuda kwomwanakomana wake. 12Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, “Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaanotaura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita raIsaka. 13Naiye mwanakomana womubatiri ndichamuita rudzi rukuruwo, nokuti mwanakomana wako.”
14Abhurahamu akamuka mangwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishebha. 15Mvura yeguchu yakati yapera, akakanda mwana pasi munyasi megwenzi; 16iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, “Ndirege kuona hangu mwana achifa.” Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo.
17Mwari akanzwa izwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa izwi romukomana apo paari. 18Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.” 19Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu nemvura, akanwisa mukomana. 20Mwari akava nomukomana, akakura, akagara murenje, akava munhu anopfura nouta. 21Akagara murenje reParani, mai vake vakamutorera mukadzi kunyika yeIjipiti.
Sungano pakati paAbhurahamu naAbhimereki
22Zvino nenguva iyo Abhimereki naPikori, mukuru wehondo yake, vakataura naAbhurahamu, vakati, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita; 23naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini, kana vana vangu, kana vana vavana vangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uitewo saizvozvo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa.” 24Abhurahamu akati, “Ndichapika.”
25Asi Abhurahamu akatuka Abhimereki nokuda kwetsime remvura rakanga ratorwa nesimba navaranda vaAbhimereki. 26Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo, newe hauna kundiudza, ini handina kumbozvinzwa, asi nhasi.” 27Abhurahamu akatora makwai nenzombe, akapa Abhimereki, ivo vaviri vakaita sungano. 28Abhurahamu akaraura zvisheche zvinomwe zvamakwai; 29Abhimereki akati kuna Abhurahamu, “Ko zvisheche izvi zvinomwe zvawaraura ndezveiko?”
30Iye akati, “Zvisheche izvi zvinomwe uzvigamuchire paruoko rwangu, chive chapupu changu, kuti ndini ndakachera tsime iri.” 31Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bheerishebha, nokuti ndipo pavakapika ivo vaviri. 32Saizvozvo vakaita sungano paBheerishebha; Abhimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. 33Abhurahamu akasima muti womutamarisiki paBheerishebha, akanamatapo zita raJehovha Mwari asingaperi. 34Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.
Επιλέχθηκαν προς το παρόν:
Genesi 21: SNA2002
Επισημάνσεις
Κοινοποίηση
Αντιγραφή
Θέλετε να αποθηκεύονται οι επισημάνσεις σας σε όλες τις συσκευές σας; Εγγραφείτε ή συνδεθείτε
© Shona Union Version 2002

: