Ruka 18
18
Mufananidzo womutongi asakarurama
1Zvino akavaudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarasi mwoyo; 2akati, “Mune rimwe guta makanga munomumwe mutongi, akanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu. 3Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichiuya kwaari, ichiti, ‘Ndiruramisire kumuvengi wangu.’ 4Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumwoyo make, ‘Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu; 5iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzouya pashure indirove kumeso.’ ”
6Ishe akati, “Inzwai zvinorehwa nomutongi asakarurama. 7Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakatsanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku, kunyange achinonoka pamusoro pavo here? 8Ndinoti kwamuri, achakurumidza kuvaruramisira. Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, achawana kutenda panyika here?”
Mufananidzo womuFarisi nomuteresi
9Akarevawo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachifunga, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe, akati,
10“Vanhu vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe ari muFarisi, mumwe ari muteresi. 11MuFarisi akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati, ‘Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo. 12Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ 13Asi muteresi akamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chipfuva, akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!’ ” 14Ndinoti kwamuri, “Uyu akaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuura uya. Nokuti mumwe nomumwe, anozvikudza, achaninipiswa, nomumwe nomumwe, anozvininipisa achakudzwa.”
Jesu anogamuchira vaduku
(Mateu 19:13-15; Mako 10:13-16)
15Zvino vakauya navachechewo kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavarayira. 16Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati, “Regai vana vaduku, vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. 17Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.”
Jaya mapfumi
(Mateu 19:16-30; Mako 10:17-31)
18Zvimo mumwe mukuru wakamubvunza, akati, “Mudzidzisi akanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”
19Jesu akati kwaari, “Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari. 20Mirayiro unoiziva, inoti, ‘Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ”
21Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.”
22Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwechete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.”
23Zvino akati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti akanga ane pfuma zhinji. 24Zvino Jesu, achimuona, akati, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari.
25“Nokuti ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.”
26Zvino vakanga vazvinzwa, vakati, “Ndianiko angagoponeswa?”
27Iye akati, “Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kuna Mwari.”
28Ipapo Petirosi akati, “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.”
29Akati kwavari, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya imba, kana mukadzi, kana vanun'una kana vabereki, kana vana, nokuda kwoushe hwaMwari, 30asingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, uye upenyu husingaperi nenguva inouya.’ ”
Jesu anovaudza zvorufu rwake nokumuka kwake
(Mateu 20:17-19; Mako 10:32-34)
31Zvino akatora vane gumi navaviri, akati kwavari, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.
32“Nokuti achaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate, 33vachamurova, nokumuuraya, asi nezuva retatu achamukazve.”
34Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, uye havana kunzwisisa izvo zvakarehwa.
Jesu anosvinudza bofu paJeriko
(Mateu 20:29-34; Mako 10:46-52)
35Zvino akati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira, 36rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuura, rikabvunza, richiti, “Chinyiko?”
37Vakariudza, vachiti, “NdiJesu weNazareta anopfuura.”
38Ipapo rakadanidzira, richiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
39Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
40Zvino Jesu akamira, akarayira kuti vauye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza, 41achiti, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Rikati, “Ishe, kuti ndione.”
42Jesu akati kwariri, “Chiona, kutenda kwako kwakuponesa.”
43Pakarepo rikaona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, vakakudza Mwari.
Επιλέχθηκαν προς το παρόν:
Ruka 18: SNA2002
Επισημάνσεις
Κοινοποίηση
Αντιγραφή
Θέλετε να αποθηκεύονται οι επισημάνσεις σας σε όλες τις συσκευές σας; Εγγραφείτε ή συνδεθείτε
© Shona Union Version 2002

: