Johani 5

5
Jesu anoporesa munhu padziva reBhetisaidha
1Shure kwaizvozvo, mutambo wavaJudha waivapo; Jesu akakwira Jerusaremu. 2Zvino kuJerusaremu pedyo nesuo ramakwai kwaiva nedziva rainzi Bhetisaidha nechiHebheru, raiva namabiravira mashanu. 3Mukati mawo makanga muvete vazhinji vairwara namapofu, nezvirema, navakaonyana, [vaigarira kubvongodzwa kwemvura. 4Nokuti mutumwa waiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo aitanga kupinda mumvura yabvongodzwa aiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi.]
5Zvino kwaivapo mumwe munhu, akanga abatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere.
6Jesu akati aona munhu uyo avete pasi, zvaaiziva kuti akanga akadaro nguva refu, akati kwaari, “Unoda kuporeswa here?”
7Murwere akamupindura, akati, “Ishe, ndinoshayiwa munhu anondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi ndinoti kana ndoenda, mumwe onditangira kupinda.”
8Jesu akati kwaari, “Simuka, tora nhoo dzako, ufambe.” 9Pakarepo munhu uyo akaporeswa, akatora nhoo dzake, akafamba.
Musi uyo waiva weSabata. 10Zvino vaJudha vakati kune akaporeswa. “ISabata, hautenderwi kutakura nhoo dzako.”
11Iye akapindura, akati, “Uyo andiporesa ndiye akati kwandiri, tora nhoo dzako, ufambe.”
12Vakamubvunza, vachiti, “Ndianiko munhu uyo akati kwauri, tora nhoo dzako, ufambe?”
13Zvino akanga aporeswa, haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu akanga abva, zvakwaiva navanhu vazhinji panzvimbo iyo.
14Shure kwaizvozvo Jesu akamuwana mutemberi, akati kwaari, “Tarira, waporeswa; usatadzazve, kuti urege kubatwa nechinhu chakaipa chinokunda chichi.”
15Zvino munhu uyo akandoudza vaJudha, kuti ndiJesu akamuporesa. 16Saka vaJudha vakatambudza Jesu, nokuti wakazviita izvozvo neSabata. 17Asi iye akapindura, akati, “Baba vangu vachabata kusvikira zvino, neni ndinobatawo.”
18Saka zvino vaJudha vakatsvaka zvikuru kumuuraya, nokuti akanga asingatyori murayiro weSabata bedzi, asi akatiwo Mwari ndibaba vake, achizvienzanisa naMwari.
19Zvino Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo.
20“Nokuti baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kuna iwawa, kuti mushamiswe. 21Nokuti baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda kuraramisa. 22Nokuti nababa havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, 23kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi nababa, vakamutuma.
24“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anonzwa shoko rangu, nokutenda akandituma, ano upenyu husingaperi; haauyi mukutongwa, asi abva murufu, aenda muupenyu. 25Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, nguva inouya, nazvino yatovapo, nayo vakafa vachanzwa izwi roMwanakomana waMwari; vanonzwa vachararama. 26Nokuti baba sezvavano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana, kuti ave noupenyu maari. 27Vakamupa simba rokutonga, zvaari Mwanakomana womunhu.
28“Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa izwi rake, 29vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.
30“Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. 31Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi.
32“Mumwe aripo anondipupurira; ndinoziva kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwechokwadi. 33Makatuma kuna Johani, iye akapupurira chokwadi. 34Ini handigamuchiri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreva izvozvo kuti muponeswe. 35Iye akanga ari mwenje unopfuta nounovheneka; imi makanga muchida kufara nguva duku muchiedza chake. 36Ini ndine chapupu chikuru kuna Johani; nokuti mabasa andakapiwa nababa kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti baba vakandituma. 37Naivo baba, vakandituma, ndivo vakandipupurirawo. Hamuna kutongonzwa izwi ravo, kana kuona mufananidzo wavo. 38Shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi avakatuma. 39Munonzvera Magwaro, nokuti munoti upenyu husingaperi munahwo maari; ndiwo anondipupurira ini.
40“Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve noupenyu.
41“Handigamuchiri kukudzwa kunobva kuvanhu; 42asi ndinokuzivai, kuti hamuna rudo rwaMwari mukati menyu. 43Ndakauya nezita rababa vangu, asi hamundigamuchiri; kana mumwe akasvika nezita rake amene, muchamugamuchira iye. 44Mungatenda seiko imi, iyemi munogamuchira kukudzwa mumwe kune mumwe, asi kukudzwa kunobva kuna Mwari, ari oga, hamukutsvaki? 45Musati ndichakupomerai mhosva kuna baba; mumwe ariko anokupomerai mhosva, ndiye Mosesi, wamakavimba naye. 46Nokuti dai maitenda Mosesi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye akanyora zvangu. 47Asi kana musingatendi manyoro ake, mungatenda seiko mashoko angu?”

Tällä hetkellä valittuna:

Johani 5: SNA2002

Korostus

Jaa

Kopioi

None

Haluatko, että korostuksesi tallennetaan kaikille laitteillesi? Rekisteröidy tai kirjaudu sisään