1
Genesi 22:14
Shona BIBLE
Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha–jire; saka nanhasi vanositi, “Pagomo raJehovha ndipo paachaonekwa.”
比較
Genesi 22:14で検索
2
Genesi 22:2
Akati, “Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwechete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
Genesi 22:2で検索
3
Genesi 22:12
Akati, “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwechete.”
Genesi 22:12で検索
4
Genesi 22:8
Abhurahamu akati, “Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;” saizvozvo vakafamba vari vaviri.
Genesi 22:8で検索
5
Genesi 22:17-18
ndicharopafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyenyedzi dzokudenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuwo avavengi vavo; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera izwi rangu.’ ”
Genesi 22:17-18で検索
6
Genesi 22:1
Shure kwaizvozvo Mwari wakaedza Abhurahamu, akati kwaari, “Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
Genesi 22:1で検索
7
Genesi 22:11
Ipapo mutumwa aJehovha akadanidzira kwaari, ari kudenga akati, “Abhurahamu! Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
Genesi 22:11で検索
8
Genesi 22:15-16
Ipapo mutumwa waJehovha akadana Abhurahamu rwechipiri, ari kudenga, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakapika neni ndimene,’ ndichiti, ‘Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwechete
Genesi 22:15-16で検索
9
Genesi 22:9
Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo atari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paatari pamusoro pehuni.
Genesi 22:9で検索
ホーム
聖書
読書プラン
ビデオ