Ruka 10
10
Ʋanamakumi manomŋe ʋanotumŋa kuparidza nokuporesa.
(Mat 10:1–42; Mar 3:13–19; 6:7–13)
1Shure kwaiɀoɀo Ishe wakagadza ɀe ʋamŋe ʋanamakumi manomŋe, akaʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri pamberi pake mumaguta ose, ʋuye kwose kwaakaŋga aciɗa kuenda. 2Akati kwaʋari: Kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma; naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake. 3Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere. 4Musatora cikwama, kana homboɗo, kana shaŋgu; musakwazisa munhu panzira. 5Paimba ipi neipi yamunopinda, mutaŋge kuti: Rugare ŋgaruʋe neimba ino. 6Kana munhu worugare aneŋge ari’po, rugare rwenyu rucazorora pamsoro pake; kana kusina, rucadzokera kwamuri. 7Garai muimba iyo, mucidya nokunwa ɀaʋanaɀo; nokuti muɓati wakafanirwa nomuɓairo wake; musapota‐pota nedzimba. 8Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana ʋakakugamucirai, idyai ɀamunopakurirwa. 9Poresai ʋarwere ʋari’mo, muciti kwaʋari: Ʋushe bgaMŋari bgasweɗera kwamuri. 10Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana ʋasiŋgakugamuciriyi, ɓuɗirai munzira dzaro, muti: 11Kunyaŋge neguruʋa reguta renyu rakanamatira tsoka dzeɗu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muziʋe cinhu ici kuti ʋushe bgaMŋari bgasweɗera. 12Ndinoti kwamuri: Sodoma ricarerukirwa nezuʋa iro kupfuʋura guta iro. 13Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti maɓasa esimba akaitwa mukati menyu, ɗai akaitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare, ʋakagara ʋanamasaga neɗota. 14Asi Tire neSidoni acarerukirwa pakutoŋgwa kupfuʋuremi. 15Newe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi. 16Unokunzwai imi, unondinzwa ini; unokurambai imi, unondiramba ini; unondiramba ini, unoramba iye wakandituma.
17Ʋanamakumi manomŋe ʋakadzoka nomufaro, ʋaciti: Ishe, kunyaŋge nemŋeya yakaipa inoɀiisa pasi peɗu muzita renyu. 18Akati kwaʋari: Ndakaʋona Satani aciwa kuɗeŋga semheni. 19Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamsoro penyoka neɀinyaʋaɗa, napamsoro pesimba rose romuʋeŋgi; hakunecinhu ciŋgatoŋgokukuʋadzai. 20Asi, musafara ɓedzi necinhu ici, kuti mŋeya inoɀiisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kuɗeŋga.
21Neŋguʋa iyo wakafara noMŋeya Mutȿene, akati: Ndinokuʋoŋgai Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀi, mukaɀizarurira ʋacece. Hoŋo Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai. 22Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu; hakuna‐unoziʋa kuti Mŋanakomana ndiani, asi Ƃaɓa, ʋuye kuti Ƃaɓa ndiani, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye. 23Ipapo akatendeʋukira kuʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari, ʋari ʋoga: Meso, anoʋona ɀamunoʋona, akaropafadzwa. 24Nokuti ndinoti kwamuri: Ʋaprofita ʋazhinji namadzimambo ʋaiɗa kuʋona ɀamunoʋona, ʋakasaɀiʋona, nokunzwa ɀamunonzwa, ʋakasaɀinzwa.
Mufananidzo womuSamaria wakanaka.
25Ɀino mumŋe muɗudziri womurairo wakasimuka, akamuidza, aciti: Mudzidzisi, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi? 26Akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unoraʋa sei? 27Iye akapindura, akati: Iɗa Ishe, Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nesimba rako rose, nokufuŋga kwako kwose, nowokwako seɀaunoɀiɗa iwe. 28Akati kwaari: Wapindura ɀakanaka; ita iɀoɀo, ugorarama. 29Asi iye, aciɗa kuɀiruramisa, akati kunaJesu: Wokwaŋgu ndianiko? 30Jesu akapindura, akati: Mumŋe munhu wakabva Jerusarema, akaɓurukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba ŋguʋo, akamuroʋa, akaenda, ndokumusiya oɗa kufa. 31Ɀino mumŋe muprista wakaŋga aciŋgoɓuruka hake nenzira iyo; akati acimuʋona, akanyenyeredza. 32Nokuɗaro muRevi ʋo wakaȿika’po, akamuʋona, akanyenyeredza. 33Ɀino mumŋe muSamaria, wakaŋga ari parwendo, wakaȿika kwaari; akati acimuʋona, akamunzwira tsitsi, 34akaenda kwaari, ndokupombera maʋaŋga ake, akaaɗira mafuta newaini; akamukwidza pacipfuwo cake, ndokumuisa kuimba yaʋaeni, ndokumuceŋgeta. 35Ɀino, aʋa maŋgwana, akaɓuɗisa madenari maʋiri,#10:35 Mari ineŋge shereni nesisipenzi. akaapa mŋene weimba, akati: Muceŋgete; ʋuye ɀose ɀaunomuripira kupfuʋura iɀi, ndicakupa ɀe, kana ndicidzoka. 36Unofuŋgei, ndoupiko kunaʋatatu aʋa wakaŋga ari wokwake waiye wakawirwa namakororo? 37Akati: Ndiye wakamuitira ŋgoni. Jesu akati kwaari: Enda, undoita saiɀoɀo.
Marta naMaria.
38Ɀino ʋakati ʋacifamba, akapinda munomumŋe musha; mumŋe mukadzi wainzi Marta, akamugamucira mumba make. 39Iye wakaŋga anomunuŋuna wainzi Maria, wakagara ʋo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake. 40Asi Marta wakaŋga acitambudzika nokushanda ɀikuru, akaʋuya, akati: Ishe, hamunehanya muciʋona munuŋuna waŋgu acindirega ndicishanda ndoga here? Muʋudzei andiɓatsire. 41Ishe akapindura, akati kwaari: Marta! Marta! unofuŋganya, nokuɀitambudza neɀinhu ɀizhinji, 42asi cinhu cimŋe cinoɗikanwa; nokuti Maria wakasanaŋgura mugoʋe wakanaka, waasiŋgazotorerwi.
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018