Ruka 12
12
Jesu unoraira ʋadzidzi ʋake.
1Ɀino ʋanhu ʋaneɀuru ɀizhinji ʋakati ʋaʋuŋganira pamŋe cete kuȿikira ʋotsikirirana, akaʋamba kutaura kuʋa dzidzi ʋake pakutaŋga, aciti: Cenjerai mbiriso yaʋaFarise, ndiko kunyeŋgera. 2Hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. 3Saka ɀose ɀamakataura murima, ɀicanzwika muciedza; neɀamakataura munzeʋe mudzimba dzomukati, ɀicaparidzwa pamsoro pedzimba. 4Ndinoti kwamuri, hama dzaŋgu: Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, ʋasiŋgazogoni kuita cimŋe cinhu shure kwaiɀoɀo. 5Asi ndicakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana aʋuraya, unesimba ʋo rokukandira muGehena. Hoŋo, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye. 6Ko shiri ɗuku shanu hadziteŋgeswi nepeni here? Hakunaimŋe yadzo inokaŋganikwa pamberi paMŋari. 7Asi nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Musatya, munopfuʋura shiri ɗuku zhinji. 8Ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unondipupura pamberi paʋanhu, Mŋanakomana womunhu ucamupupura ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari. 9Asi unondiramba pamberi paʋanhu, ucarambga ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari. 10Mumŋe nomumŋe unoreʋa shoko rakaipa pamsoro poMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa, asi unomhura Mŋeya Mutȿene haaŋgakaŋganwirwi. 11Kana ʋacikuisai pamberi pamasinagoge naʋatoŋgi naʋakuru, musafuŋganya kuti mucapindura sei, kana inyiko, kana mucataurei. 12Nokuti Mŋeya Mutȿene ucakudzidzisai neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura.
Mufananidzo womufumi ɓenzi.
13Ɀino mumŋe pakati paʋazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, ʋudzai munuŋuna waŋgu kuti agoʋane nhaka neni. 14Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutoŋgi kana mugoʋeri pakati penyu? 15Akati kwaʋari: Cenjerai, muɀiceŋgete pakuciʋa kwose, nokuti ʋupenyu bgomunhu habguzi paɀinhu ɀakawanda ɀaanaɀo. 16Akaʋataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumŋe mufumi yakaŋga yaɓereka kwaɀo; 17akafuŋga mumŋoyo make, akati: Ndicaita seiko? Nokuti handina‐pandiŋgaʋuŋganidzira ɀiɓereko ɀaŋgu. 18Akati: Ndicaita kuɗai: Ndicaputsa matura aŋgu, ndikaʋaka makuru; ndicaʋuŋganidzira’po ɀiyo ɀaŋgu, neɀose ɀaŋgu ɀakanaka, 19ndigoti kumŋeya waŋgu: Mŋeya, uneɀakawanda ɀakanaka, ɀakaʋigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare. 20Asi Mŋari akati kwaari: Iwe ɓenzi, noʋusiku ubgu ʋacakutorera mŋeya wako; iɀo ɀawagadzira, ɀicagoʋa ɀani? 21Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀiʋuŋganidzira fuma, asiŋgafumi kunaMŋari.
Ƃaɓa ʋanoziʋa ɀatinoshaiwa.
(Mat 6:25–34)
22Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Musafuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, kuti mucadyei, kana pamsoro pomuʋiri wenyu, kuti mucapfekei? 23Nokuti ʋupenyu bgunopfuʋura ɀokudya, nomuʋiri unopfuʋura ɀokupfeka. 24Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei! 25Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti#12:25 Kubiti kubva pagokora kuȿikira paminwe. rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? 26Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe? 27Fuŋgai maruʋa, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. 28Ɀino kana Mŋari acipfekedza saiɀoɀo ʋuswa bgenyika, bguri’po nhasi, maŋgwana bgokandirwa mucoto, haaŋgakupfekedziyi nokupfuʋurisa, imi ʋokutenda kuɗuku here? 29Imi musatȿaka ɀamucadya, neɀamucanwa; musaɀidya mŋoyo. 30Nokuti ɀinhu iɀoɀi ɀose ɀinotȿakwa naʋahedeni; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi. 31Asi tȿakai ʋushe bgaʋo, naiɀoɀo ɀose mucaɀiwedzerwa. 32Musatya henyu, imi kapoka kaɗuku, nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanofara nokukupai ʋushe. 33Teŋgesai ɀamunaɀo, mupe ɀipo; muɀiitire ɀikwama ɀisiŋgasakari, fuma isiŋgaperi kuɗeŋga, pasiŋgaȿiki mbava, pasiŋgaparadzi ɀipfunho. 34Nokuti panefuma yenyu, nomŋoyo wenyu ucaʋa’po ʋo.
Mufananidzo womuranda wakarindira ishe wake.
(Mat 24:37–51)
35Ɀiʋuno ɀenyu ŋgaɀigare ɀakasuŋgwa, nemŋenje yenyu ipfute. 36Nemi muʋe saʋanhu ʋakarindira ishe waʋo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akaȿika, akagogodza, ʋamuzarurire pakarepo. 37Ʋakaropafadzwa ʋaranda aʋo, ʋanoti, kana ishe aciȿika, unoʋawana ʋakarindira. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucaɀisuŋga ciʋuno iye, akaʋagarisa pakudya, akaʋuya akaʋashandira. 38Kana akaȿika neŋguʋa yokurindira yecipiri, kana yecitatu yoʋusiku, akaʋawana ʋakaɗaro, ʋakaropafadzwa ʋaranda iʋaʋo. 39Asi muziʋe iɀi, kuti ɗai mŋene weimba aiziʋa ŋguʋa inoʋuya nayo mbava, haazaitendera kuti imba yake ipazwe. 40Nemi ʋo mugare makaɀigadzira, nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yamusiŋgafuŋgi.
41Ɀino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunaʋose here? 42Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakacenjera, ucaiswa nashe wake pamsoro paʋaranda ʋake, kuti aʋape mugoʋe weɀokudya ɀaʋo neŋguʋa yakafanira? 43Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo. 44Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ucamugadza aʋe mutariri weɀose ɀaanaɀo. 45Asi kana muranda uyo akareʋa mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka kuʋuya; akataŋga kuroʋa ʋaranda, ʋarume naʋakadzi, akadya, akanwa, akaɓatwa, 46ishe womuranda uyo ucaȿika nezuʋa raasiŋgatariri, neŋguʋa yaasiŋgaziʋi, akamuroʋesa ɀikuru, akamupa mugoʋe wake pamŋe cete naʋasakatendeka. 47Muranda uyo wakaziʋa kuɗa kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuɗa kwake, ucarobga ɀizhinji. 48Asi usina‐kuziʋa, akaita ɀakafanira kurobga, ucarobga ɀishoma. Wakapiwa ɀizhinji, ɀizhinji ɀicatȿakwa kwaari; unotendwa neɀizhinji, ʋacareʋa ɀinopfuʋurisa kwaari.
49Ndakaʋuya kuzokanda mŋoto panyika; ɀino ndinoti: Ƌai watoɓatidzwa hawo! 50Ndinorubapatidzo rwandicabapatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kuȿikira ɀiciitika. 51Munofuŋga kuti ndakaʋuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa. 52Nokuti kubva ɀino ʋashanu ʋeimba imŋe ʋacapesana, ʋatatu ʋacipesana naʋaʋiri, ʋaʋiri naʋatatu. 53Ƃaɓa ʋacapesana nomŋanakomana waʋo, nomŋanakomana naɓaɓa ʋake; mai nomŋanasikana waʋo, nomŋanasikana namai ʋake; ʋamŋene nomukadzi womŋanakomana waʋo, nomukadzi womŋanakomana naʋamŋene ʋake.
54Akati kuʋanhu ʋazhinji: Kana muciʋona gore ricikwira kumaʋirira, pakarepo munoti: Mvura icanaya; ɀoitika saiɀoɀo. 55Kana muciʋona mhepo icivuvuta icibva Zasi, munoti: Kucapisa kwaɀo; ɀoitika. 56Imi ʋanyeŋgeri, munoziʋa kuɗudzira ɀamunoʋona ɀenyika neɀokuɗeŋga, asi hamuziʋi nei kuɗudzira ŋguʋa ino? 57Munoregereiko kuɀitoŋgera mumene ɀakarurama? 58Nokuti kana uciendakunashe nomudziʋisi wako, idza kuti uregedzwe naye muciri munzira; kuti arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi akuise kumupurisa, mupurisa akusuŋge mutoroŋgo. 59Ndinoti kwauri, hauŋgatoŋgoɓuɗi’mo, usati waripa kamari kwokupedzisira.
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018