ಬೈಬಲ್ ಅಪ್ಲಿಕೇಶನ್ ಲೋಗೋ
ಹುಡುಕಾಟ ಐಕಾನ್

Isaya 12

12
Nziyo dzoKurumbidza
1Pazuva iro muchati,
“Ndichakurumbidzai, imi Jehovha,
kunyange makanga makanditsamwira,
kutsamwa kwenyu kwakadzorwa
uye makandinyaradza.
2Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;
ndichavimba naye uye handingatyi.
Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;
ava ruponeso rwangu.”
3Nomufaro muchachera mvura
kubva mumatsime oruponeso.
4Pazuva iro muchati,
“Vongai Jehovha, danai kuzita rake;
zivisai zvaakaita pakati pendudzi,
uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.
5Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;
izvi ngazvizivikanwe pasi pose.
6Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni,
nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”

ಪ್ರಸ್ತುತ ಆಯ್ಕೆ ಮಾಡಲಾಗಿದೆ:

Isaya 12: BDSC

ಹೈಲೈಟ್ ಮಾಡಿ

ಕಾಪಿ

ತಾಳೆಮಾಡಿ

ಹಂಚಿಕೊಳ್ಳಿ

None

ನಿಮ್ಮ ಎಲ್ಲಾ ಸಾಧನಗಳಲ್ಲಿ ನಿಮ್ಮ ಮುಖ್ಯಾಂಶಗಳನ್ನು ಉಳಿಸಲು ಬಯಸುವಿರಾ? ಸೈನ್ ಅಪ್ ಮಾಡಿ ಅಥವಾ ಸೈನ್ ಇನ್ ಮಾಡಿ