1
Eksodo 14:14
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Jehova ucakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.
비교
Eksodo 14:14 살펴보기
2
Eksodo 14:13
Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, mirai, mugoʋona sunuŋguro yaJehova, yaacakuitirai nhasi, nokuti ʋaEgipita ʋamaʋona nhasi, hamuŋgazoʋaʋoni ɀe nokusiŋgaperi.
Eksodo 14:13 살펴보기
3
Eksodo 14:16
Iwe simudza tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, uritsemure napakati, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋafambe pakawoma mukati meguŋgwa.
Eksodo 14:16 살펴보기
4
Eksodo 14:31
Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona ɓasa guru rakaŋga raitirwa ʋaEgipita naJehova, ʋanhu ʋakatya Jehova, ʋakatenda Jehova naMosesi muranda wake.
Eksodo 14:31 살펴보기