1
Eksodo 4:11-12
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Jehova akati kwaari: Ndianiko wakaita muromo womunhu, ndianiko unoita mbeʋeʋe kana matsi, kana unoʋona, kana ɓofu? Ko handizini Jehova here? Naiɀoɀo ɀino cienda, ini ndicaʋa muromo wako, ndikudzidzise ɀaunofanira kutaura.
비교
Eksodo 4:11-12 살펴보기
2
Eksodo 4:10
Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Haiwa, Jehova, handizi munhu unogona kutaura ɀakanaka, kunyaŋge zuro, kana zuroriya, kana kubva paŋguʋa yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu unomuromo usiŋgagoni norurimi rusiŋgagoni.
Eksodo 4:10 살펴보기
3
Eksodo 4:14
Ɀino kutsamŋa kwaJehova kwakamukira Mosesi, akati: Ko Aroni, mukoma wako, muRevi, haazi’po here? Ndinoziʋa kuti iye unogona kutaura kwaɀo. Ɀino tarira, wotoɓuɗa kusoŋgana newe; kana acikuʋona ucafara mumŋoyo make.
Eksodo 4:14 살펴보기