1
Genesi 37:5
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Ɀino Josefa akarota hope, akaʋudza ʋakoma ʋake, ipapo ʋakanyanya kumuʋeŋga.
비교
Genesi 37:5 살펴보기
2
Genesi 37:3
Ɀino Israeri wakaŋga aciɗa Josefa kupfuʋura ʋana ʋake ʋose, nokuti wakaŋga ari mŋanakomana woʋutana bgake; akamuitira ŋguʋo yakaŋga yakareɓa inamaʋoko.
Genesi 37:3 살펴보기
3
Genesi 37:4
Ʋakoma ʋake ʋakaʋona kuti ɓaɓa ʋaʋo ʋanomuɗa kupfuʋura ʋakoma ʋake ʋose; ʋakamuʋeŋga, ʋakasagona kutaura naye nomufaro.
Genesi 37:4 살펴보기
4
Genesi 37:9
akapamha kurota ɀe, akaʋudza ʋakoma ʋake, akati: Tarirai, ndarota ɀe dzimŋe hope; ndakaʋona zuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi dzinegumi neimŋe, dzicikotamira pamberi paŋgu.
Genesi 37:9 살펴보기
5
Genesi 37:11
Ʋakoma ʋake ʋakamugoɗora; asi ɓaɓa ʋake ʋakaceŋgeta shoko iro.
Genesi 37:11 살펴보기
6
Genesi 37:6-7
Akati kwaʋari: Inzwai ʋo hope dzaŋgu dzandarota. Tarirai, takaŋga ticisuŋga ɀisote mumunda, ʋonei cisote caŋgu cikasimuka, cikaramba cimire; ndikaʋona ɀisote ɀenyu ɀicikomba caŋgu, ɀikakotama pamberi pecisote caŋgu.
Genesi 37:6-7 살펴보기
7
Genesi 37:20
Ʋuyai ɀino timuʋuraye, timukandire munerimŋe ramakomba awa, tigoti: Wadyiwa necikara; tigoʋona kuti kurota kwake kucazoitwa seiko.
Genesi 37:20 살펴보기
8
Genesi 37:28
Ɀino ʋateŋgesi ʋaʋaMidiani ʋakapfuʋura’po, ʋakakwidza Josefa ʋacimuɓuɗisa mugomba, ʋakateŋgesa Josefa kuʋaIshmaeri namashekeri anamakumi maʋiri; iʋo ʋakaisa Josefa Egipita.
Genesi 37:28 살펴보기
9
Genesi 37:19
Ʋakataurirana, ʋaciti: Hoyo, muroti uya woʋuya.
Genesi 37:19 살펴보기
10
Genesi 37:18
Iʋo ʋakamuʋona aciri kure; ɀino asati aȿika kwaʋari, ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye.
Genesi 37:18 살펴보기
11
Genesi 37:22
Rubeni akati kwaʋari: Musaɗurura ropa; mumukandirei mugomba iri riri musaŋgo, asi regai kutambanudza maʋoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaʋoko aʋo, agomudzosera kunaɓaɓa ʋake.
Genesi 37:22 살펴보기