Eksodo 12:12-13
Eksodo 12:12-13 SUB1949
Nokuti noʋusiku ubgo ndicafamba napakati penyika yeEgipita, ndiciroʋa mataŋgwe ose aʋanhu panyika yeEgipita, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; ndicatoŋga ʋamŋari ʋose ʋeEgipita; ndini Jehova. Asi ropa ricaʋa ciratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndiciʋona ropa ndicakupfuʋurai, kuti ɗambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndiciroʋa nyika yeEgipita.




