Genesi 47:5-6
Genesi 47:5-6 SUB1949
Ipapo Farao akataura naJosefa, akati: Ƃaba ʋako naʋana ʋaɓaɓa ʋako ʋaʋuya kwauri; nyika yeEgipita iri pamberi pako; ɓaɓa ʋako naʋana ʋaɓaɓa ʋako ŋgaʋagare panɀimbo yakaiȿo‐naka ʋanyika ino, ŋgaʋagare panyika yeGosheni; kana uciziʋa kuti pakati paʋo panaʋarume ʋakaŋgwara, uʋaite ʋatariri ʋeŋombe dzaŋgu.


