1
Johani 12:26
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Anoda kundishandira, anofanira kunditevera, kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva. Munhu akandishandira, Baba vachamukudza.
Palyginti
Naršyti Johani 12:26
2
Johani 12:25
Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho, asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi.
Naršyti Johani 12:25
3
Johani 12:24
Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa inoramba ichingova yoga asi ikafa inobereka muchero wakawanda.
Naršyti Johani 12:24
4
Johani 12:46
Ndakauya sechiedza pasi pano kuti ani naani anotenda mandiri arege kugara murima.
Naršyti Johani 12:46
5
Johani 12:47
Ani naaniwo anonzwa zvandinotaura asingazvichengete handimupi mhosva nokuti handina kuuya kuzopa pasi mhosva asi kuzoponesa pasi.
Naršyti Johani 12:47
6
Johani 12:3
Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo.
Naršyti Johani 12:3
7
Johani 12:13
Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti, “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi ndiye mambo weIsiraeri.”
Naršyti Johani 12:13
8
Johani 12:23
Jesu akavapindura achiti, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu zvino achiwana mukurumbira.
Naršyti Johani 12:23
Pradžia
Biblija
Planai
Vaizdo įrašai