Mavambo 16
16
Hagari naIshimaeri
1Sarai, mudzimai waAbhuramu haana kumuberekera mwana, asi aiva nomuranda wake wechikadzi worudzi rwechiIjipiti ainzi Hagari. 2Sarai akati kuna Abhuramu, “Tenzi akandinyima mwana. Wadii kutorana zvako nomuranda wangu. Zvimwe ndiye angazondiberekerawo vana.” Abhuramu akanzwa zvakataurwa naSarai. 3Saka Abhuramu apedza makore gumi ari munyika yeKanani, Sarai mudzimai waAbhuramu akatora Hagari muranda wake wechiIjipiti akamupa kuna Abhuramu kuti ave mukadzi wake. 4Abhuramu akapinda mumba naHagari akabva aita pamuviri. Kuzoti Hagari aona kuti ava napamuviri akatanga kushora Sarai, tenzikadzi wake.
5Sarai akanyunyutira Abhuramu vachiti, “Kutadzirwa kwose kwandiri kuitwa imhosva yako. Ndakakupa muranda wangu kuti ave murongo wako. Zvino zvaaona kuti ava napamuviri ava kundishora. Panyaya yangu iyoyi newe, Tenzi ngaakuone.”
6Abhuramu akataurira Sarai achiti, “Inga muranda wako ari mumaoko ako wani! Ita zvako zvaunoda naye.” Sarai akaomesera Hagari upenyu, Hagari akabva atiza pamusha ipapo.
7Mutumwa waTenzi akawana Hagari ari pachisipiti chemvura chaiva murenje chokunzira inoenda Shuru. 8Mutumwa akati, “Nhai Hagari, muranda waSarai, uri kubva kupiko? Ko uri kuenda kupi?”
Hagari akati, “Ndiri kutiza tenzikadzi wangu, Sarai.”
9Mutumwa waTenzi akamuti, “Chidzokera kuna vatenzi vako, undozvirereka kwavari.” 10Mutumwa waTenzi akamuti, “Ndichaitawo kuti vana vako vawande chaizvo zvokuti havangaverengeki. 11Iwe zvawava napamuviri, uchabereka mwana mukomana uzomutumidza zita rokuti Ishimaeri, nokuti Tenzi anzwa kuchema kwako. 12Mwana wako achange aine mwoyo wougandanga chaihwo. Achagara akabatira vamwe matemo, ivowo vachigara vakamubatira matemo. Achagara akazvitsaura kuhama dzake dzose akadzitsvukisira maziso.”
13Hagari akapa zita kuna Tenzi nyakutaura naye rokuti “Muri Mwari anoona,” nokuti akazviti, “Ndatarisana here chokwadi naMwari wandaona, ndikaramba ndiri mupenyu?” 14Ndokusaka tsime iroro riri pakati peKadheshi neBheredhi rakazotumidzwa zita rokuti Bheerirahairoi.#16:14 Bheerirahairoi: Zvinoreva kuti, Tsime raMwari mupenyu anondiona.
15Hagari akazoberekera Abhuramu mwana mukomana. Abhuramu akatumidza mwana wake zita rokuti Ishimaeri. 16Panguva yaakaberekerwa Ishimaeri naHagari, Abhuramu akanga ava namakore makumi masere ana makore matanhatu.
Šiuo metu pasirinkta:
Mavambo 16: SCLBD
Paryškinti
Dalintis
Kopijuoti
Norite, kad paryškinimai būtų įrašyti visuose jūsų įrenginiuose? Prisijunkite arba registruokitės
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: