Johani 2
2
Muchato kuKana
1Pazuva retatu kwakava nomuchato kuKana yokuGarirea. Amai vaJesu vakanga variko. 2Jesu akakokwawo kumuchato iwoyo pamwechete navadzidzi vake. 3Waini payakapera, amai vaJesu vakati kwaari, “Vanhu vapererwa newaini.” 4Jesu akati kwavari, “Nhai amai, ko isu tinei nazvo, nguva yangu haisati yasvika.” 5Amai vake vakati kuvashandi, “Itai zvose zvaanenge akutaurirai.” 6Zvino ipapo pakanga paina mazigate matanhatu amabwe maererano netsika yavaJudha yokuzvichenura. Rimwe nerimwe rawo raiita marita makumi manomwe anamashanu kusvika kuzana ramarita rina marita gumi namashanu. 7Jesu akati kwavari, “Zadzai makate aya nemvura.” Ivo vakaazadza kuti tuba. 8Akazovati, “Zvino chicherai imwe muendese kuna samukuru womuchato.” Saizvozvo vakaenda nayo. 9Samukuru uya paakaravira, mvura iya yakanga yatova waini asi iye akanga asingazivi kwayakanga yabva. Asi Vashandi vaya vakanga vachera mvura ndivo vaizviziva. Samukuru womuchato akadaidza muwani#2:9 Muwani kana kuti mukwambo kana mukuwasha. 10akati kwaari, “Vanhu vose vanotanga vapa vanhu waini yakanaka. Kana vachinge vanyatsonwa zvavo ndokwakuzovapa isina kunaka asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira iye zvino.”
11Ichi ndicho chiratidzo chaJesu chokutanga chaakaita kuratidza mbiri yake. Achiita ari kuKana yokuGarirea. 12Mushure maizvozvi akadzika kuKapenaumu naamai vake navakomanavanun'una vake navadzidzi vake vakagarako kwamazuva mashoma.
B: PASIKA
Jesu anochenura Temberi nokudzinga vaitengesamo
(Mat 21:12–13; Mak 11:15–17; Ruka 19:45–46)
13Pasika yavaJudha zvayakanga yavapedyo, Jesu akakwira kuJerusaremu. 14Akasvikoona vanhu vachitengesa muTemberi, mombe nehwai nehangaiwa navaiva mushishi yokutengeserana mari. 15Akaita tyava nemikosi akadzingira vose kunze kweTemberi, pamwechete nehwai nemombe. Akawodzvorera pasi mari chena yavaitengeserana mari nokupidigurira pasi mateburu avo. 16Akataurira vainge vachitengesa hangaiwa kuti, “Bvisai zvinhu izvi muno. Hamufaniri kuita imba yaBaba vangu musika.” 17Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kunzi, “Kudisisa kwandinoita imba yenyu kuchandipedza.” 18VaJudha vakabva vati kwaari, “Tipe chiratidzo chemvumo yezvawaita izvi.” 19Jesu akavapindura achiti, “Pazai Temberi iyi, ini ndigoivakazve namazuva matatu.” 20VaJudha ndokuti, “Zvakatora makore makumi mana anamatanhatu kuvaka Temberi iyi iwe ndipo paungaimise namazuva matatu here?” 21Asi Temberi yaaitaura waiva muviri wake. 22Saizvozvo paakamutswa muvafi vadzidzi vake vakarangarira kuti akambozvitaura vakatenda chinyorwa nezwi rakanga rataurwa naJesu.
Jesu anoziva pachake zviri mumunhu
23Paakanga ari muJerusaremu kumazuva makuru ePasika vazhinji vakatenda muzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. 24Asi Jesu haana kuvimba navo nokuti aiziva vanhu vose. 25Akanga asina chaangaudzwe nomumwe munhu nezvomunhu nokuti iye pachake aiziva zviri mumunhu.
Šiuo metu pasirinkta:
Johani 2: SCLBD
Paryškinti
Dalintis
Kopijuoti
Norite, kad paryškinimai būtų įrašyti visuose jūsų įrenginiuose? Prisijunkite arba registruokitės
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: