1
Ruka 21:36
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.”
နှိုင်းယှဉ်
Ruka 21:36ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
2
Ruka 21:34
“Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokuraradza, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.
Ruka 21:34ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
3
Ruka 21:19
Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu.
Ruka 21:19ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
4
Ruka 21:15
Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.
Ruka 21:15ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
5
Ruka 21:33
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Ruka 21:33ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
6
Ruka 21:25-27
“Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika hurombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya negore, nesimba nokubwinya kukuru.
Ruka 21:25-27ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
7
Ruka 21:17
Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu.
Ruka 21:17ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
8
Ruka 21:11
Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.
Ruka 21:11ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
9
Ruka 21:9-10
“Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusi pakarepo.” Akati kwavari, “Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe.
Ruka 21:9-10ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
10
Ruka 21:25-26
“Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika hurombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka.
Ruka 21:25-26ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
11
Ruka 21:10
Akati kwavari, “Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe.
Ruka 21:10ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
12
Ruka 21:8
Akati, “Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu’; ‘Nguva yaswedera.’ Musavatevera.
Ruka 21:8ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
ပင်မစာမျက်နှာ
သမ္မာကျမ်းစာ
အစီအစဉ်များ
ဗီဒီယိုများ