Ruka 24
24
VII: ZVAKAITIKA JESU AMUKA
Kumuka kwaJesu kuvafi
(Mat 28:1–10; Mak 16:8; Joh 20:1–10)
1Pazuva rokutanga revhiki, mambakwedza chaiwo, vakaenda kuguva vakatakura tunonhuwirira twuya twavakanga vagadzirira. 2Vakawana dombo riya rakungurutswa kubva paguva. 3Asi pavakapinda havana kuwana chitunha. 4Vachiri mukukangaidzwa naizvozvi, havo varume vaviri vakaerekana vamira pavaiva vaine hanzu dzaipenya zvikuru.
5Zvavakanga vavakutya zvikuru vakamira vakatsikitsira uso pasi. Varume vaya vakati kwavari, “Munotsvakireiko vapenyu mukati mavakafa. 6Yeukai zvaakakuudzai achiri kuGarirea 7zvokuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi agorovererwa pamuchinjikwa asi agozomuka nezuva retatu.’ ” 8Vakayeuka mazwi ake. 9Pavakadzoka kumakuva vakataurira zvose izvi kuna vane gumi nomumwe nokuna vamwe vose. 10Vakataurira vapositori zvose izvi, ndiMaria Magadharena naJoana naMaria amai vaJemusi navamwe vadzimai vavaiva navo. 11Mashoko aya, kwavari, akaita sezvinhu zvisina maturo saka havana kuatenda.
[ 12Asi Pita akasimuka akamhanyira kuguva. Akakotama akadongorera mukati. Akaona machira erineni ari pawo oga. Akaenda kumba achishama nezvakanga zvaitika.]
Jesu navadzidzi vaviri vaienda kuEmausi
(Mak 16:12–13)
13Zuva rakarero vamwe vavo vaviri vaienda kunomumwe musha wainzi Emausi waiva makiromita gumi nerimwechete kubva kuJerusaremu, 14vachitaurirana nezvezvinhu izvi zvose zvakanga zvaitika. 15Pavakanga vachitaura vachikurukurirana Jesu pachake akaenda pedyo akafamba navo. 16Asi vakaita chidzimira vakatadza kumuziva. 17Jesu akati kwavari, “Ko chii chamuri kutaurirana muchifamba kudai?” Vakamira kuti mbikiti vakati surududu. 18Mumwe wavo ainzi Kiropasi akamupindura achiti, “Ndiwe woga here muenzi wemuJerusaremu, asingazivi zvinhu izvi zvakaitikamo mazuva ano aya?” 19Iye akati kwavari, “Zvinhuiko izvozvo.” Ivo vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareti, aiva muporofita, ane simba guru muzviito nomushoko pamberi paMwari napamberi pavanhu vose 20uye kuti vapristi vakuru navatongi vakamukwirira dare kuti atongerwe rufu vakamuroverera pamuchinjikwa. 21Asi taivimba kuti ndiye aizonunura Isiraeri. Chimwewo ndechokuti zvino atova mazuva matatu zvaitika. 22Chimwezve ndechokuti mamwe madzimai echikwata chedu vatikangaidza. Vaenda kuguva mangwananingwanani 23vakashaya chitunha chake. Vadzoka vavakuti vaona chiratidzo chavatumwa vari kuti mupenyu. 24Vamwe vedu vatangatinavo vaendawo kuguva, vakaona zvinhu zvakaita sokutaura kwanga kwaitwa namadzimai, asi iye havana kumuona.”
25Jesu ndokuti kwavari, “Oo, inga muri mazirema chaiwo avanhu! Munechinono chaicho kutenda zvose zvakataurwa navaporofita. 26Zvakanga zvisingafaniri here kuti iye Kristu atambudzike saizvozvi achizopinda mumbiri yake?” 27Ndipo paakatangisa nokuna Mosesi navaporofita vose achivatsananungurira muMagwaro Matsvene ose zvinhu zvakanangana naiye pachake.
28Pavakanga vava kuda kusvika pamusha wavaienda, akaita seavakupfuurira. 29Asi vakamugombedzera vachiti, “Garai nesu nokuti kwava kuda kuvira zuva rapera.” Saka akapinda kundogara navo. 30Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari. 31Maziso avo akabva azaruka vakabva vamuziva, asi iye akabva anyangarika kwavari. 32Vakataurirana vachiti, “Mwoyo yedu haina kunge yava kutopisirira here mukati medu paanga achitaura kwatiri munzira; paya paanga achitizarurira Magwaro Matsvene?” 33Vakabva vasimuka nguva yakareyo vakadzokera kuJerusaremu. Vakasvikowana vane gumi nomumwechete vaya vakaungana navamwe vavaiva navo, 34vakati, “Tenzi wamuka zvechokwadi uye azviratidza kuna Simioni.” 35Ivowo vakavataurira zvakanga zvaitika panzira uye kuti vakamuziva sei pakumedura chingwa.
Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake muJerusaremu
(Mat 28:16–20; Mak 16:14–18; Joh 20:19–23; Mab 1:6–8)
36Pavakanga vachiri kutaura izvi. Iye Jesu pachake akamira pakati pavo (akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi”). 37Vakavhunduka vakatya vachifunga kuti vari kuona dzangaradzimu. 38Iye akati kwavari, “Ko muri kunetseka mumwoyo menyu neiko? Ko mibvunzo iri kumukireiko mumusoro menyu? 39Tarisai maoko angu netsoka dzangu muone kuti ndini chaiye. Ndibatei muone nokuti dzimudzangara harina nyama namapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo.”
40Ataura izvi akavaratidza maoko ake netsoka dzake. 41Vachiri kupokana kudaro pamusana pokufara uye vachikatyamadzwa akati kwavari, “Mune chokudya here pano?” 42Vakamupa hove yakagochwa 43akaitora akaidya pamberi pavo.
Mashoko aJesu okupedzisira kuvapositori vake
44Akazovataurira achiti, “Aya ndiwo mazwi angu andakakutaurirai ndichinemi ndichiti, ‘Zvose zvakanyorwa nezvangu mumutemo waMosesi nomuvaporofita nomunziyo zvaifanira kuzadzikiswa.’ ” 45Akavazarura pfungwa kuti vanzwisise Magwaro Matsvene. 46Akati kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Kristu aifanira kutambudzika uye kuti amuke kuvafi nezuva retatu 47uyewo kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvitadzo kuparidzwe muzita rake kumarudzi ose, zvichitangira kuJerusaremu. 48Imi ndimi zvapupu zvezvinhu izvi. 49Chinzwai, ndichatumira pamuri chipikirwa chababa vangu. Asi imi garai muguta rino, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.’ ”
Kukwidzwa KwaJesu Kudenga
(Mak 16:19–20; Mab 1:9–11)
50Akavatungamirira kusvika kuBhetania. Akasimudza maoko ake akavakomborera. 51Paakanga achivakomborera akabva pavari akakwidzwa kudenga. 52Vakadzokera kuJerusaremu norufaro rukuru; 53vairamba vari muTemberi vachirumbidza Mwari.
Markert nå:
Ruka 24: SCLB
Marker
Del
Kopier
Vil du ha høydepunktene lagret på alle enhetene dine? Registrer deg eller logg på
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: