1
Isaya 11:2-3
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Mweya waTenzi uchagara paari Mweya woungwaru newokunzwisisa Mweya unopa zano newesimba Mweya woruzivo newokutya Tenzi. Zvokutya Tenzi ndozvaanofarira. Haatonge nezvaanoona nameso chete kana kutevedza zvaanonzwa nenzeve
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 11:1
Naizvozvo pachigutsa chokwaJese pachatungira nhungirwa, bukira richamera pamidzi yake.
3
Isaya 11:4
asi kuti achatonga varombo zvakarurama achipipirira vatamburi vepanyika uye nyika achairova neshamhu yomuromo wake nefemo romuromo wake anopfuudza vakaipa.
4
Isaya 11:5
Ururami ndihwo huchava bhandhe raanosungisa muchiuno chake, kutendeseka kuri bhandhe rake muchiuno.
5
Isaya 11:9
Hazvizombokuvadza kana kuparadza mugomo rangu rose rinoera nokuti panyika pachange zvino pazara nokuziva Tenzi sokuzadza kunoita mvura gungwa.
6
Isaya 11:6
Mhumhi ichagarisana zvayo nehwayana mbada icharara zvayo pamwechete nembudzana, mhuru neshumba nechigondora chakakora zviri pamwechetewo, zvichifudzwa zvazvo nemwana muduku.
7
Isaya 11:10
Pazuva iroro, bukira romudzi wokwaJese richamira sechiratidzo kudzindudzi dzavanhu, iyeyo ndiye achange wototsvagwa nevechirudzi, Nzvimbo yake yokugara ichava nomukurumbira.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo