“Nyika ino yose ichava dongo zvaro risina kana chinhu; marudzi ose iwaya achashandira mambo weBhabhironi kwamakumi manomwe amakore. Mushure mokunge kwapera makore makumi manomwe ndichazoranga mambo weBhabhironi nevechirudzi ivavo nenyika yevaKaridhea pamusana pouipi hwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nyika yacho ndichiiparadza zvachose.