1
1 Vakorinde 13:4-5
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Rudo runo mwoyo murefu, rune mutsa; rudo haruna shanje uye haruzvitutumadzi haruzvikudzi. Haruiti zvisina hunhu. Rudo harungongwarira zvarwo bedzi; rudo harungoshatirwa shatirwa nhando, haruna pfundepfunde.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Vakorinde 13:7
Rudo runotakura zvose. Runoramba ruine chitendero. Runoramba ruine chitarisiro, harurasi mwoyo runotirira zvose.
3
1 Vakorinde 13:6
Rudo harufariri zvisakarurama asi runofarira zviri pachokwadi.
4
1 Vakorinde 13:13
Saka chitendero nechitarisiro norudo zviripo zviri zvitatu, asi chikuru chazvo rudo.
5
1 Vakorinde 13:8
Rudo harumboperi. Kuporofita kuchapera; kutaura nendimi kuchaguma. Ruzivo ruchapfuura
6
1 Vakorinde 13:1
Kunyange zvangu ndikataura nendimi dzavanhu kana dzavatumwa asi ini ndisina rudo ndinongova dare rinorira kana makwakwakwa esimbi anorira.
7
1 Vakorinde 13:2
Kunyange ndiine chipo chokuporofita ndichinzwisisa zvakavandika zvose, ndiine ruzivo rwose; kunyange dai ndiine chitendero chakaperera chinosudurudza makomo asi ndisina rudo hapana zvandiri.
8
1 Vakorinde 13:3
Kunyange dai ndikagovera zvose zvandinazvo uye kunyange ndikapa muviri wangu kuti upiswe asi ndisina rudo hapana chandinowana.
9
1 Vakorinde 13:11
Pandakanga ndichiri mwana muduku ndaitaura somwana muduku; ndaifunga somwana mudiki ndairangarira somwana muduku asi pandakazova murume mukuru ndakakanda pasi zvohwana huduku.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo