1
Mateu 16:24
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Jesu akataurira vadzidzi vake achiti, “Kana munhu achida kunditevera ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake anditevere
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateu 16:18
Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri.
3
Mateu 16:19
Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.”
4
Mateu 16:25
nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu achahuwana.
5
Mateu 16:26
Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvapasi pose, iye achirasikirwa noupenyu hwake. Kana kuti angabvisei chokutsinhanisa noupenyu hwake?
6
Mateu 16:15-16
Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?” Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.”
7
Mateu 16:17
Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo