1
Mapisarema 94:19
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 94:18
Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.
3
Mapisarema 94:22
Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu, uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.
4
Mapisarema 94:12
Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha, munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu
5
Mapisarema 94:17
Dai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.
6
Mapisarema 94:14
Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake; haangambosiyi nhaka yake.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo