Isaya 14
14
1Nokuti Jehova ucanzwira Jakobo tsitsi, ucasanaŋgura Israeri nokuʋagadza munyika yaʋo; mutorwa ucandogara naʋo, ʋacanamatira imba yaJakobo. 2Marudzi acaʋatora, nokuʋaisa kunɀimbo yaʋo; imba yaʋaIsraeri icaʋaɓata panyika yaJehova ʋaʋe ʋaranda naʋashandiri ʋaʋo; ʋacatapa iʋo ʋaiʋa ʋatapi ʋaʋo, ʋacaɓata iʋo ʋaiʋamanikidza.
3Ɀino nezuʋa iro kana Jehova acikuzorodza pakucema kwako napakutambudzika kwako, napakuɓata kwako kunorema kwawakaɓatiswa nako, 4ucaimba rwiyo urwu pamsoro pamambo weBabironi, uciti: Haiwa, mumanikidzi wapera sei! Kutambudza kwapera sei! 5Jehova wavuna muɗonɀo wowakaipa, netȿimbo yoʋushe yaʋaɓati; 6iye wairoʋa marudzi aʋanhu nehasha nokuroʋa kusiŋgaperi, waiɓata ndudzi dzaʋanhu nokutambudza kusina‐kudzorwa nomunhu. 7Nyika yose yozorora, yanyarara; ʋanofara nokuimba. 8Ɀirokwaɀo miti yemisipresi inofara nokuɗa kwako, nemisidari yeRebanoni, iciti: Ciŋguʋa cawaparadzwa, hapanomutemi unokwira kutitema. 9Sheori pasi rinenyoŋgano pamsoro pako kuzosoŋgana newe pakuʋuya kwako; rinokumutsira ʋakafa, iʋo ʋose ʋaiʋa ʋakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi aʋanhu paɀigaro ɀawo ɀoʋushe. 10Iʋo ʋose ʋacapindura, ʋaciti kwauri: Newe waʋa usinesimba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi? 11Kuɀikudza kwako kwaɗeredzwa kuȿikira paSheori, nokurira kwoʋuɗimbga bgako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza. 12Haiwa, wawa seiko ucibva kuɗeŋga, iwe nyamasase, iwe mŋanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi! 13Iwe wakati mumŋoyo mako: Ndicakwira kuɗeŋga, ndicakwiridza cigaro caŋgu coʋushe kumsoro kwenyeredzi dzaMŋari; ndicagara pamsoro pegomo reʋuŋgano, pamigumo yamatiʋi okumsoro; 14ndicakwira kumsoro kwamakore, ndicaɀienzanisa noWokumsorosoro. 15Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɗeredzwa kuȿikira paSheori, kuȿikira pakadzika pegomba. 16Ʋanokuʋona ʋacakucerekedza, ʋacakutarira, ʋaciti: Ko uyu ndiye munhu waiɗeɗeresa nyika, waizunuŋgusa ʋushe; 17waishandura nyika ifanane nerenje, waiparadza maguta ayo, wairamba kusunuŋgura ʋasuŋgwa ʋake ʋaende kumusha here? 18Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anoʋata acikudzwa, mumŋe nomumŋe paimba yake. 19Asi iwe warashwa kure nobgiro bgako, seɗaʋi rinonyaŋgadza, wafukidzwa naʋakaʋurawa, ʋakaɓayiwa nomunondo, ʋanoɓurukira kumabge egomba, somutumbu watsikwa netsoka. 20Hauŋgaʋigwi pamŋe cete naʋo, nokuti wakaparadza nyika yako, ʋakaʋuraya ʋanhu ʋako; ʋana ʋaʋakaipa haʋaŋgarebgi nokusiŋgaperi. 21Gadzirirai ʋana ʋake paʋaŋgaʋurawa nokuɗa kwokushata kwamadziɓaɓa aʋo; ʋarege kuzomuka, ʋagare nhaka yenyika, ʋazadze pasi pose namaguta. 22Ɀanzi naJehova wehondo: Ndicaʋamukira, ndicatorera Babironi zita naʋakasara, naʋana naʋana ʋaʋana, ndiɀo ɀinotaura Jehova. 23Ndicariita nɀimbo inogarwa nenuŋgu, ʋuye madziʋa emvura; ndicaritȿaira nomutȿairo wokuparadza, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Pamsoro paʋaAsiria.
24Jehova wehondo wakapika, aciti: Ɀirokwaɀo, seɀandakafuŋga, ndiɀo ɀaɀicaitika; seɀandakaraŋgarira, ɀicamira saiɀoɀo. 25Kuti ndicavuna muAsiria munyika yaŋgu, ndicamutsika netsoka dzaŋgu pamakomo aŋgu; neŋguʋa iyo joko rake ricabva kwaʋari, nomutoro wake ucabva pamafudzi aʋo. 26Ndico cireʋo cakatemerwa nyika yose; ndirwo ruʋoko rwakatambanudzwa pamsoro pamarudzi ose. 27Nokuti Jehova wehondo wakatema cireʋo, ndiani uŋgapindura ɀe? Ruʋoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani uŋgarudzosa.
Pamsoro paʋaFiristia.
28Negore rokufa kwamambo Ahazi cireʋo ici cakarebga:
29Iwe nyika yeFiristia, iwe nyika yose, usafara ɀako nokuti shamhu yakaŋga yakuroʋa yavunika; nokuti pamudzi wenyoka pacaɓuɗa mvumbi, ciɓereko cayo cicaʋa nyoka yomŋoto inobururuka. 30Mataŋgwe aʋarombo acadya, naʋanoshaiwa ʋacaʋata pasi ʋakafara; ndicaʋuraya mudzi wako nenzara, ʋakasara ʋako ʋacaʋurawa. 31Cema, iwe suʋo; ɗanidzira, iwe guta; wanyauka, iwe nyika yeFiristia, iwe nyika yose; nokuti kurutiʋi rwokumsoro kunobva ʋutsi, hapana‐unotiza pahondo dzake. 32Ɀino nhume dzorudzi urwu ʋacadzipindurei? Kuti Jehova wakaʋamba Zioni, ʋanotambudzika ʋaʋanhu ʋake ʋacaʋandira’mo.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 14: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: