Isaya 17
17
Cireʋo pamsoro peDamasko.
1Cireʋo pamsoro peDamasko.
Tarirai, Damasko robviswa, rirege kuzoʋa guta, ricaʋa ɗoŋgo rakakoromoka. 2Maguta eAroeri asiyiwa; acaʋa mafuro eɀipfuwo, ɀicaʋata’po pasi, ɀisina‐unoɀivundusa. 3Nhare icabviswa panaEfraimi, noʋushe paDamasko; ʋakasara ʋeSiria ʋacaʋa sembiri yaʋana ʋaIsraeri, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
4Ɀino nezuʋa iro ʋukuru bgaJakobo ʋucaitwa ʋutete, ʋuye kukora kwenyama yake kucawonda. 5Ɀicafanana neŋguʋa kana muceki aciʋuŋganidza ɀiyo mumunda, aciceka hura noruʋoko rwake; ɀirokwaɀo ɀicafanana nokuʋuŋganidza hura pamupata weRefaimi. 6Kunyaŋge ɀakaɗaro mimŋe micero icasarira’mo, seɀinoitika kana muorivi ucizuzwa, ɀiɓereko ɀiʋiri kana ɀitatu kumuromo weɗaʋi rokumsoro‐soro, ɀinna kana ɀishanu pamataʋi okunze omuti unoɓereka kwaɀo, ndiɀo ɀinotaura Jehova, Mŋari waIsraeri. 7Nezuʋa iro ʋanhu ʋacatarira Musiki waʋo, meso aʋo acaʋona Mutȿene waIsraeri. 8Haʋaŋgatariri artari, iro ɓasa ramaʋoko aʋo; ɀakaitwa neminwe yaʋo haʋaŋgaʋi nehanya naɀo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuʋa. 9Nezuʋa iro maguta aʋo akasimba acaita samatoŋgo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri; acaʋa matoŋgo. 10Nokuti wakaŋganwa Mŋari Muponesi wako, hauna‐kuraŋgarira ɗombo roʋutiziro bgako. Saka unoɀisimira miti inofadza, unoisa’mo mizambiriŋga yakabva kumŋe. 11Nomusi wokusima kwako, unouʋakira ruzhowa, fume maŋgwana unotumbusa mbeu dzako; asi kuceka kunotiza nezuʋa rokutambudzika nerokucema kukuru.
Kuparadzwa kwaʋaAsiria.
12Haiwa, kutinhira kwaʋanhu ʋazhinji, ʋanotinhira sokutinhira kweguŋgwa, nokuririma kwamarudzi aʋanhu, anoririma sokuririma kwemvura zhinji! 13Marudzi acaririma sokuririma kwemvura zhinji; asi ucaʋatuka, ʋacatizira kure, ʋacadziŋgirirwa sewindi yamakomo pamberi pemhepo, seguruʋa rinopfuŋgaira pamberi peɗutu remhepo. 14Neŋguʋa yamaɗekwana, tarirai, kucaʋa nokutyisa; maŋgwanani kusati kwaedza, haʋaci’po. Ndiwo mugoʋe waʋanotipambara, nomuɓairo waʋanotiɓira.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: