Isaya 18
18
1Haiwa, nyika yokuʋirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeEtiopia; 2inotuma nhume nenzira dzeguŋgwa namagwa enhokwe pamsoro pemvura, iciti: Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, kuʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi. 3Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza ucisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda iciridzwa, inzwai! 4Nokuti Jehova wakataura kwandiri kuɗai: Ndicanyarara, ndicatarira ndiri paʋugaro bgaŋgu, sokupisa kwezuʋa pamushana, seguti pakupisa kweŋguʋa yokukohwa. 5Nokuti kukohwa kusati kwaȿika, kana maruʋa azuka, ruʋa rashanduka zambiriŋga roɗo‐kuibva, ucagura mataʋi namapaŋga; namataʋi anotandira ucaabvisa nokuatema. 6Ose pamŋe cete acasiyirwa magora ari pamakomo, neɀikara ɀenyika; magora acagara pamsoro paʋo cirimo cose, neɀikara ɀenyika ɀicapedza cando pamsoro paʋo. 7Neŋguʋa iyo Jehova wehondo ucaʋigirwa ɀipo norudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, ʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi, kunɀimbo yezita raJehova wehondo, kugomo reZioni.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 18: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: