Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 31

31
Jobo unopamhidza kuti haanemhoȿa.
1Ndakaita suŋgano nameso aŋgu;
Ɀino ndiŋgatarira musikana seiko?
2Nokuti mugoʋe waMŋari unobva kumsoro ndoweiko,
Nenhaka yoWamasimba‐ose inobva kuɗeŋga ndeyeiko?
3Ko haizi njodzi kunaʋasina‐kururama here,
Nokuparadzwa kunaʋaiti ʋeɀakaipa here?
4Ko iye haaʋoni nzira dzaŋgu,
Nokuʋereŋga nhambge dzaŋgu dzose here?
5Kana ndiciŋge ndafamba nenzira isinamaturo,
Norutsoka rwaŋgu rwamhanyira ɀinonyeŋgera;
6(Ŋgandiidzwe paciyero cakarurama,
Kuti Mŋari aziʋe kusanyeŋgera kwaŋgu;)
7Kana kutsika kwaŋgu kuciŋge kwatsauka panzira,
Nomŋoyo waŋgu ukateʋera meso aŋgu,
Kana gwapa riciŋge ranamatira pamaʋoko aŋgu;
8Ipapo ini ndidɀare haŋgu, asi mumŋe ŋgaadye;
Ɀiɓereko ɀomunda waŋgu ŋgaɀidzurwe.
9Kana mŋoyo waŋgu uciŋge wanyeŋgerwa nomukadzi,
Kana ndaʋandira pamukoʋa wowandaigara naye;
10Ipapo mukadzi waŋgu ŋgaakuyire mumŋe,
Naʋamŋe ŋgaʋakotamire pamsoro pake.
11Nokuti cinhu ico ciʋi cakashata,
Ɀirokwaɀo, cinhu cakaipa cinofanira kurobga naʋatoŋgi.
12Nokuti ndiwo mŋoto unopedza kuȿikira pakuparadza,
Uŋgadzura ɀiɓereko ɀaŋgu ɀose.
13Kana ndiciŋge ndaɀidza mhaka yomuranda waŋgu kana murandakadzi waŋgu,
Paŋguʋa yaʋakaita nharo neni;
14Ndicaiteiko kana Mŋari akasimuka?
Kana akandiʋiŋga, ndiŋgapindurei kwaari?
15Wakandiita muɗumbu ramai haazi iye wakamuita ʋo here?
Ko haazi mumŋe wakatiʋumba isu tose muɗumbu ramai here?
16Kana ndiciŋge ndanyima ʋarombo ɀaʋakakumbira,
Kana kushaisa meso ecirikadzi;
17Kana ndiciŋge ndadya cimeɗu caŋgu ndiri ndoga,
Nherera ikasadya ʋo;
18(Kwete, kubva paʋujaya bgaŋgu yakakurira kwandiri ndikaita saɓaɓa ʋayo,
Ndaiʋa muperekedzi wayo kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu;)
19Kana ndiciŋge ndaʋona munhu aciparara nokushaiwa ŋguʋo,
Kana unoshaiwa asina‐cokufuka;
20Kana ciʋuno cake cisina‐kundiʋoŋga,
Kana asina‐kudziyirwa nemvere dzamakwai aŋgu;
21Kana ndiciŋge ndasimudzira nherera ruʋoko rwaŋgu,
Nokuti ndakaʋona kuti ndicaɓatsirwa pasuʋo;
22Ipapo fudzi raŋgu ŋgaribve paɓendekete,
Ruʋoko rwaŋgu ŋgaruvunike pafupa.
23Nokuti njodzi inobva kunaMŋari yakandityisa,
Ndakakoniwa kuita cinhu nokuɗa kwoʋumambo bgake.
24Kana ndiciŋge ndaʋimba nendarama ikaʋa tariro yaŋgu,
Ndikati kundarama yakaiȿo‐naka: Ndinoʋimba newe:
25Kana ndiciŋge ndakafara nokuti fuma yaŋgu yakaŋga yawanda,
Ʋuye nokuti ruʋoko rwaŋgu rwakaŋga rwawana ɀizhinji;
26Kana ndiciŋge ndaʋona kubginya kwezuʋa,
Kana mŋedzi ucifamba wakacena;
27Mŋoyo waŋgu ukanyeŋgerwa pakaʋanda,
Muromo waŋgu ukaȿeta ruʋoko rwaŋgu;
28Necinhu ici ʋo caiʋa cakaipa cinofanira kurobga naʋatoŋgi;
Nokuti ndineŋge ndaramba Mŋari uri kumsoro.
29Kana ndiciŋge ndafarira kuparadzwa kwomuʋeŋgi waŋgu,
Kana kuɀikudza paŋguʋa yaakaʋiŋgwa neɀakaipa;
30(Ɀirokwaɀo handina‐kutendera muromo waŋgu kutadza,
Ndicikumbira nokupanjira kuti afe;)
31Kana ʋanhu ʋetente raŋgu ʋasina‐kutaura, ʋaciti:
Ndianiko uŋgawana munhu usinakugutiswa nenyama yake?
32Mŋeni haana‐kuʋata ʋusiku panzira dzomumusha;
Asi ndaizarurira mufambi mikoʋa yaŋgu;
33Ƌayi ndaifukidza kuɗarika kwaŋgu saAdama,
Ndiciʋanza ɀakaipa ɀaŋgu pacifuʋa caŋgu;
34Ɀandaitya ʋanhu ʋazhinji,
Ndikavunduswa nokushoʋorwa namapoka aʋanhu,
Ndikanyarara, ndikasaɓuɗa pamukoʋa —
35Haiwa, ɗayi ndaiʋa nomunhu unondinzwa!
(Tarirai, ndirwo runyoro rwaŋgu, Wamasimba‐ose ŋgaandipindure;)
Ƌayi ndaiʋa norugwaro rwakanyorwa nomudziʋisi waŋgu!
36Ɀirokwaɀo, ndairutakura pafudzi raŋgu;
Ndairudzika pamusoro waŋgu sekorona.
37Ndaimuɗudzira kuwanda kwenhambge dzaŋgu;
Ndaisweɗera kwaari somucinda.
38Kana munda waŋgu ukaɗanidzira kwandiri, ucindipa mhoȿa,
Nemihoroŋga yawo ikacema yose;
39Kana ndiciŋge ndadya ɀiɓereko ɀawo ndisina‐kuteŋga,
Kana ndiciŋge ndarashisa ʋaridzi ʋawo ʋupenyu bgaʋo;
40Ipapo ʋutumbambeʋa ŋgaʋumere’po panɀimbo yeɀiyo,
Nesora panɀimbo yebari.
Mashoko aJobo apera.

Zvasarudzwa nguva ino

Jobo 31: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda