Jobo 36
36
Mŋari unotuma miidzo kuti adzore munhu, saka munhu unofanira kuɀininipisa pamberi pake.
1Erihu akapfuʋura ʋo, akati:
2Nditenderei henyu ɀishoma, ndikuratidzei;
Nokuti ndicineɀimŋe ɀandinoɗa kutaura pamsoro paMŋari.
3Ndicatora ziʋo yaŋgu kure,
Ndicaratidza kuti Muiti waŋgu wakarurama.
4Nokuti ɀirokwaɀo, mashoko aŋgu haanenhema;
Mumŋe wakakwana paziʋo une’mi.
5Tarirai, Mŋari unesimba, asi haashoʋori munhu;
Imhare pasimba renjere.
6Haaceŋgeti ʋupenyu bgaʋakaipa;
Asi unoruramisira ʋanotambudzika.
7Haaregi kutarira ʋakarurama nameso ake;
Asi unoʋagarisa pacigaro coʋushe pamŋe cete namadzimambo,
Unoʋagarisa nokusiŋgaperi, ʋacikudzwa.
8Asi kana ʋaciŋge ʋasuŋgwa namaketani,
Kana kuɓatwa namaɓote okutambudzika;
9Ipapo unoʋaziʋisa maɓasa aʋo,
Nokuɗarika kwaʋo, kuti ʋakafamba ʋaciɀikudza.
10Unodziʋura ʋo nzeʋe dzaʋo ʋanzwe kuraira kwake,
Unoʋaraira kuti ʋadzoke paɀakaipa ɀaʋo.
11Kana ʋakamunzwa nokumushumira,
Ʋacapedzisa mazuʋa aʋo ʋacifara,
Namakore aʋo ʋari paneɀinofadza.
12Asi kana ʋakaramba kuterera, ʋacapera nomunondo,
Ʋacafa ʋasineziʋo.
13Asi ʋasiŋgaɗi Mŋari pamŋoyo ʋanoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa;
Haʋaridzi mhere kuti ʋaɓatsirwe kana aciʋasuŋga.
14Ʋanofa ʋaciri ʋaɗuku,
Ʋupenyu bgaʋo ʋunopera sobgaʋasino‐kururama.
15Unorwira unotambudzika pakutambudzika kwake,
Unodziʋura nzeʋe dzaʋo pakumanikidzwa kwaʋo.
16Ɀirokwaɀo, wakaŋga aciɗa kukubvisai panjodzi
Kukuȿitsai panɀimbo yakafara, pasina‐kumanikana;
Kuti ɀinoiswa patafura yenyu ɀiʋe ɀizere namafuta.
17Asi imi muzere nokutoŋga ʋakaipa;
Kutoŋga nokururamisira ɀinokuɓatai.
18Nokuti cenjerai kuti kutsamŋa kurege kukuȿitsai pakuɗaɗira;
Ʋukuru bgedzikinuro ʋurege kukutsausai.
19Ko fuma yenyu iŋgariŋgana, kuti murege kutambudzika here,
Ʋuye simba renyu rose‐rose here?
20Musashuʋa ʋusiku,
Paŋguʋa iyo ndudzi dzaʋanhu dzinobviswa panɀimbo yadzo.
21Cenjerai, regai kuraŋgarira ɀakaipa;
Nokuti ndiɀo ɀamakasanaŋgura kupfuʋura kutambudzika.
22Tarirai, Mŋari unoita ɀinhu ɀikuru nesimba rake;
Ndianiko mudzidzisi wakafanana naye?
23Ndianiko wakamuraira nzira yake?
Kana ndianiko uŋgati: Makaita ɀisina‐kururama here?
24Raŋgarirai, kuti murumbidze ɓasa rake,
Rakaimbga naʋanhu.
25Ʋanhu ʋose ʋakaritarira;
Ʋanhu ʋanoriʋona ʋari kure.
26Tarirai, Mŋari mukuru; asi isu hatimuziʋi;
Kuwanda kwamakore ake hakuŋganɀerwi.
27Nokuti unokweʋera kumsoro maɗonhedza emvura,
Anoshanduka mvura inonaya icibva pamŋando wawo;
28Inoɗururwa namakore
Iciɗonhera yawanda pamsoro paʋanhu.
29Ko kunomunhu uŋganzwisisa kudadanurwa kwamakore,
Nokutinhira kwetente rake here?
30Tarirai, unodadanura ciedza cake kunhiʋi dzake dzose;
Unofukidza pasi peguŋgwa.
31Nokuti naiɀoɀi unotoŋga ndudzi dzaʋanhu;
Unoʋapa ɀokudya ɀizhinji.
32Unofukidza maʋoko ake nemheni;
Nokuiraira kuti iroʋe payakaratidzwa.
33Mubvumo wayo unomuziʋisa,
Neŋombe ʋo dzinonzwa kuti unoʋuya.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 36: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018