Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 18

18
Mukuru paʋushe bgokuɗeŋga, neɀigumbuso.
(Mar 9:33–50; Ruka 9:46–50)
1Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Ndianiko mukuru paʋushe bgokudeŋga? 2Akaɗanira kwaari mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo, 3akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana musiŋgashanduki, mukaʋa saʋana ʋaɗuku, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga. 4Naiɀoɀo aninani unoɀininipisa somŋana uyu muɗuku, ndiye mukuru muʋushe bgokuɗeŋga. 5Aninani unogamucira mŋana muɗuku mumŋe wakaɗai nezita raŋgu, unondigamucira ini. 6Asi aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa, ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, anyudzwe muguŋgwa rakadzika. 7Nyika inenhamo nemhaka yeɀigumbuso! Nokuti ɀigumbuso ɀinofanira kuʋuya haɀo; asi unenhamo munhu uyo unogumbusa ʋamŋe. 8Kana ruʋoko rwako kana rutsoka rucikugumbusa, urugure, ururashire kure newe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, kana ucikamhina, pakukandirwa mumŋoto usiŋgagumi, unamaʋoko maʋiri kana tsoka mbiri. 9Kana ziso rako ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure newe. Ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu, uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena romŋoto, unameso maʋiri. 10Cenjerai kuti murege kuɀidza mumŋe waʋaɗuku aʋa; nokuti ndinoti kwamuri, kuɗeŋga ʋatumŋa ʋaʋo ʋanosiʋona misi yose ciso caƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. 11[Nokuti Mŋanakomana womunhu wakaʋuya kuzoponesa cakarashika.]
Gwai rakarashika.
(Ruka 15:3–7)
12Munofuŋgeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimŋe rawo rikatsauka, haaŋgasiyi makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, akaenda kumakomo kundotȿaka rakatsauka here? 13Kana ariwana, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuʋura makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe asakatsauka. 14Nokuɗaro hakuzi kuɗa kwaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, kuti mumŋe waʋaɗuku aʋa afe.
Kukaŋganwirana. Muranda wakaŋga asinetsitsi.
15Kana hama yako yakutadzira, enda umuʋudze mhoȿa yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. 16Asi kana asiŋganzwi, tora mumŋe kana ʋaʋiri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu. 17Kana asiŋgaʋanzwi, uʋudze ʋuŋgano; kana asiŋganzwi ʋo ʋuŋgano, ŋgaaʋe kwauri somuheɗeni nomuFarise. 18Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ɀose ɀamunosuŋga panyika, ɀicasuŋgwa kuɗeŋga; neɀose ɀamunosunuŋgura panyika, ɀicasunuŋgurwa kuɗeŋga. 19Ndinoti kwamuri ɀe: Kana ʋaʋiri ʋenyu ʋakatenderana panyika pamsoro pecimŋe cinhu caʋanokumbira, ʋacaciitirwa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. 20Nokuti apo pakaʋuŋgana ʋaʋiri kana ʋatatu muzita raŋgu, ndiri’po pakati paʋo.
21Ɀino Petro wakaʋuya akati kwaari: Ishe, hama yaŋgu icanditadzira kaŋganiko, ndikaikaŋganwira? Kuȿikira kanomŋe here? 22Jesu akati kwaari: Handiti kwauri, kuȿikira kanomŋe; asi kuȿikira makumi manomŋe anoʋereŋgwa kanomŋe. 23Saka ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaŋga aciɗa kugadzira maŋgaʋa naʋaranda ʋake. 24Ɀino wakati acitaŋga kugadzira, mumŋe wakaŋga anecikwerete camatarenta aneɀuru ɀamazana ɀinegumi#18:24 Mari ineŋge pondo 2,500,000. akaiswa kwaari. 25Asi wakati acishaiwa caaŋgaripa naco, ishe wake akaraira kuti ateŋgeswe, iye nomukadzi naʋana, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, kuti cikwerete ciripxe. 26Ɀino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe, iʋai nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripirai ɀose. 27Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunuŋgura, akamukaŋganwira cikwerete. 28Asi muranda uyo wakati aciɓuɗa, akawana mumŋe muranda waiɓata pamŋe cete naye, wakaŋga anecikwerete kwaari camadenari anezana#18:28 Mari ineŋge pondo nhatu necumi.; akamuɓata, akamudzipa, akati: Ripa cikwerete cako! 29Ɀino muranda uyo waiɓata pamŋe cete naye, akawira pasi, akakumbira ɀikuru kwaari, akati: Uʋe nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripira. 30Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutoroŋgo, kuȿikira acizoripa cikwerete. 31Ɀino ʋamŋe ʋaranda ʋaiɓata pamŋe cete naye ʋakati ʋaciʋona ɀaitwa, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaenda kundoʋudza ishe waʋo ɀose ɀakaitwa. 32Ɀino ishe wake akamuɗana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukaŋganwira cikwerete ico cose, nokuti iwe wakakumbira ɀikuru kwandiri. 33Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumŋe muranda unoɓata pamŋe cete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here? 34Ɀino ishe wake akatsamŋa, akamuisa kuʋarwadzi, kuȿikira acizoripa cikwerete cake cose. 35Saiɀoɀo Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ʋacakuitirai ʋo, kana musiŋgakaŋganwiriyi mumŋe nomumŋe hama yake nomŋoyo wenyu wose.

Zvasarudzwa nguva ino

Mateo 18: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda