Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 19

19
Kurambana kwomurume nomukadzi.
(Mat 5:31, 32; Mar 10:1–12; Ruka 16:18)
1Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akaenda kunyika yeJudea mhiri kweJoridani. 2Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa’po.
3ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamuidza, ʋaciti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here? 4Akapindura, akati: Hamuna‐kuraʋa here, kuti uyo wakaʋasika pakutaŋga, wakaʋaita murume nomukadzi? 5Akati: Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. 6Nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe. Ɀino, iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa. 7Ʋakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha? 8Akati kwaʋari: Nokuɗa kwoʋukukutu bgemŋoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha ʋakadzi ʋenyu, asi kubva pakutaŋga ɀakaŋga ɀisina‐kuɗaro. 9Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yoʋupombge, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; nounowana wakarashwa, unoita ʋupombge. 10Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Kana ɀakaɗaro pakati pomurume nomukadzi, haɀina‐kunaka kuwana. 11Asi iye akati kwaʋari: Ʋose haʋagamuciri shoko iri, asi aʋo ʋakaɀipiwa. 12Nokuti ŋgomŋa dziri’po, dzakaɓerekwa dzakaɗaro kubva muɗumbu ramai; ŋgomŋa dziri’po, dzakaitwa ŋgomŋa naʋanhu; ŋgomŋa dziri’po dzakaɀiita ŋgomŋa nokuɗa kwoʋushe bgokuɗeŋga. Uŋgagamucira shoko iri, ŋgaarigamucire.
Jesu unoropafadza ʋanana.
(Mar 10:13–16; Ruka 18:15–17)
13Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aise maʋoko pamsoro paʋo, aʋanyeŋgeterere; ʋadzidzi ʋakaʋaraira. 14Asi Jesu wakati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku, musaʋadziʋisa kuʋuya kwandiri; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋakaɗai. 15Akaisa maʋoko pamsoro paʋo, akabva’po.
Jaya mufumi.
(Mar 10:17–30; Ruka 18:18–30)
16Tarira, mumŋe munhu wakaʋuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaita cinhu cakanaka cipi, kuti ndiʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi? 17Akati kwaari: Unondibvunzireiko pamsoro peɀakanaka? Uri’po mumŋe wakanaka. Asi kana uciɗa kupinda paʋupenyu, ceŋgeta mirairo. 18Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usaʋuraya, usaita ʋupombge, usaɓa, usapupura nhema; 19kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, uɗe wokwako seɀaunoɀida iwe. 20Jaya rikati kwaari: Iɀoɀo ɀose ndakaɀiceŋgeta; ndicakashaiweiko? 21Jesu akati kwaari: Kana uciɗa kukwana, enda uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, ugoʋa nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya unditeʋere. 22Asi jaya rakati ricinzwa shoko iri, rikaenda rineshuŋgu; nokuti rakaŋga rinefuma zhinji.
23Jesu akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ɀinoremera mufumi kupinda muʋushe bgokuɗeŋga. 24Ndinoti kwamuri ɀe: Kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri reɗumho, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari. 25Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakakahadzika kwaɀo, ʋakati: Ndianiko uŋgagoponeswa? 26Jesu ndokuʋatarira, akati kwaʋari: Kuʋanhu iɀi haɀibviri, asi kunaMŋari ɀose ɀinobvira. 27Ɀino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya ɀose, tikakuteʋerai; ticagopiweiko? 28Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, imi makanditeʋera pakuɓerekwa kutȿa, kana Mŋanakomana womunhu acizogara pacigaro coʋushe cokubginya kwake, imi ʋo mucagara paɀigaro ɀinegumi neɀiʋiri, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri. 29Mumŋe nomumŋe wakasiya dzimba, kana ʋanuŋuna, kana hanɀadzi, kana ɓaɓa, kana mai, kana mukadzi, kana ʋana, kana minda, nokuɗa kwezita raŋgu, ucapiwa ɀinezana, akagara nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi. 30Asi ʋazhinji ʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira, noʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga.

Zvasarudzwa nguva ino

Mateo 19: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda