Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 25

25
Ɀimŋe ɀireʋo ɀaSoromoni ɀakaʋuŋganidzwa pamazuʋa aHezekia.
1Iɀi ʋo ndiɀo ɀireʋo ɀaSoromoni, ɀakanyorwa naʋanhu ʋaHezekia mambo waʋaJuda:
2Ndiko kukudzwa kwaMŋari kuti aʋanze cinhu;
Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti ʋanɀere mhaka.
3Kukwirira kweɗeŋga, nokudzika kwenyika,
Nemŋoyo yamadzimambo haɀibviri kunɀerwa.
4Bvisa marara pasirveri,
Muʋumbi agoɓuɗisirwa hari.
5Bvisa wakaipa pamberi pamambo,
Cigaro cake coʋushe cisimbiswe nokururama.
6Usaʋa namanyawi pamberi pamambo;
Usamira panɀimbo yaʋakuru.
7Nokuti ɀirinani kuti ʋati kwauri: Kwira pano,
Pakuti uninipiswe pamberi pomucinda,
Wawaʋona nameso ako.
8Usakurumidza kundoita nharo;
Nokuti ucazoɗini pashure,
Kana wokwako akunyadzisa?
9Raŋgana nowokwako pamsoro pemhaka iri pakati penyu,
Asi usareʋurura ɀakaʋanzika ɀomumŋe;
10Kuti mumŋe unoɀinzwa arege kukutuka,
Guwa rako rikasaguma.
11Shoko rinotaurwa neŋguʋa yakafanira,
Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirveri.
12Murairi wakacenjera panzeʋe inoterera,
Ɀakafanana necindori cenzeʋe cendarama noʋukomba bgendarama yakaiȿo‐naka.
13Nhume yakatendeka yakafanana kunaʋanoituma
Nokutonhorera kwecando paŋguʋa yokuceka;
Nokuti inoponesa mŋeya yaʋatenzi ʋayo.
14Munhu unoɀirumbidza pamsoro pecipo cenhema,
Wakafanana namakore nemhepo ɀisinemvura.
15Muɓati unokundwa kana aciitirwa mŋoyo murefu,
Ʋuye rurimi runyoro runovuna mafupa.
16Wawana ʋuci here? Cidya ʋunokuriŋgana,
Kuti urege kumiswa mŋoyo nabgo, ukaʋurutsa.
17Rutsoka rwako ŋgarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako;
Arege kuzoneta newe, akakuʋeŋga.
18Munhu unopupurira wokwake nhema,
Wakafanana netȿimbo, nomunondo, nomuseʋe unopinza.
19Kutenda munhu usino‐kutendeka paŋguʋa yenhamo,
Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashoɗoka.
20Somunhu unobvisa ŋguʋo kana kucitonhora, ʋuye sevinega kana iciiswa pasoda,
Ndiɀo ɀakaita munhu unoimbira mŋoyo unorwadza nziyo.
21Kana muʋeŋgi wako anenzara, umupe ɀokudya adye;
Kana anenyota, umupe mvura anwe.
22Nokuti ucatutira mazimbe omŋoto pamusoro wake,
Ʋuye Jehova ucakuripira.
23Mhepo inobva kumsoro inoʋuyisa mvura;
Saiɀoɀo rurimi runamakuhwa runoʋuyisa ciso cakatsamŋa.
24Ɀirinani kugara pakona reɗeŋga,
Pakugara muimba imŋe nomukadzi unokakaʋara.
25Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure,
Rakafanana nemvura inotonhorera kumŋeya unenyota.
26Munhu wakarurama, unozunuŋguka pamberi paʋakaipa,
Wakafanana netsime rakabvoŋgodzwa necituɓu cinetȿina.
27Haɀina‐kunaka kudya ʋuci ʋuzhinji;
Asi kunɀera ɀinorema ndiko kukudzwa.
28Munhu usiŋgadzori mŋeya wake,
Wakafanana neguta rakaputswa, risinoruȿiŋgo.

Zvasarudzwa nguva ino

Ɀireʋo 25: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda