Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 18

18
Davidi unoʋonga Jehova nokuti wakamurwira.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi, muranda waJehova, wakataura kunaJehova mashoko orwiyo urwu paŋguʋa yaakarwirwa naJehova pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋake ʋose, napamaʋoko aSauro. Akati:
[ kuʋapindura kutedzemuka ] 1Ndinokuɗisai, Jehova, simba raŋgu.
2Jehova iɗombo raŋgu, nenhare yaŋgu, nomurwiri waŋgu;
Mŋari waŋgu, ɗombo raŋgu, wandicaʋimba naye;
Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira.
3Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa;
Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
4Maɓote orufu akandikomba;
Ʋuye nzizi dzeɀakaipa dzakandivundusa.
5Maɓote eSheori akandisuŋga;
Misuŋgo yorufu yakandiwira.
6Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova,
Ndikaɗana kunaMŋari waŋgu;
Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake;
Kucema kwaŋgu pamberi pake kukaȿika munzeʋe dzake.
7Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera;
Nheyo dzamakomo ʋo dzakaɗeŋgenyeka,
Dzikazunuŋguswa, nokuti wakaŋga akatsamŋa.
8Ʋutsi bgakakwira ʋucibva mumhino dzake,
Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza;
Mazimbe akaɓatidzwa nawo.
9Wakakotamisa kuɗeŋga‐ɗeŋga ʋo, akaɓuruka;
Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake.
10Wakataȿa kerubi, akabururuka;
Ɀirokwaɀo, wakabururuka pamapapiro emhepo.
11Rima wakariita nɀimbo yake yokuʋanda, tente rake rakamupoteredza;
Kuȿiɓa kwemvura zhinji, namakore matema okuɗeŋga.
12Nokupenya kwakaŋga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuʋura,
Necimvuramabge namazimbe omŋoto.
13Jehova wakatinhira ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga,
Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake;
Cimvuramabge namazimbe omŋoto.
14Wakatuma miseʋe yake, akaʋaparadza;
Ɀirokwaɀo, nemheni zhinji, akaʋavundusa.
15Ipapo migero yemvura zhinji yakaʋonekwa,
Ʋuye nheyo dzenyika dzakafukurwa,
Nokutuka kwenyu, Jehova,
Nokufema kwomŋeya wemhino dzenyu.
16Wakatambunudza ruʋoko rwake ari kumsoro, akanditora,
Akandinyukura pamvura zhinji.
17Wakandirwira pamuʋeŋgi waŋgu unesimba,
Nokunaʋanondiʋeŋga, nokuti ʋakaŋga ʋondikurira.
18Ʋakandiʋiŋga nezuʋa renjodzi yaŋgu,
Asi Jehova wakaŋga ari mutsigiri waŋgu.
19Wakandiɓuɗisira kunɀimbo yakafarikana,
Akandirwira, nokuti wakaŋga acindifarira.
20Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu,
Akandipa muɓairo wakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu.
21Nokuti ndakaceŋgeta nzira dzaJehova,
Handina‐kubva kunaMŋari waŋgu nokunyeŋgera.
22Nokuti ɀose ɀaakatoŋga ɀakaŋga ɀiri pamberi paŋgu,
Handina‐kusundira kure neni ɀaakatema.
23Ndakaŋga ndakarurama ʋo kwaari,
Ndakaɀiceŋgeta ini paɀakaipa ɀaŋgu.
24Naiɀoɀo Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu,
Ɀakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu pamberi pake.
25Uneŋgoni munomuitira ʋo neŋgoni,
Nomunhu wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama;
26Wakanaka munomuitira ʋo ɀakanaka,
Nowakatsauka, munomuitira ʋo nehasha.
27Nokuti mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika;
Asi mucaɗeredza meso aʋanoɀikudza.
28Nokuti imi mucatuŋgidza mŋenje waŋgu;
Jehova Mŋari waŋgu ucavenekera rima raŋgu.
29Nokuti nemi ndicaʋamba hondo,
Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo.
30Kana ari Mŋari, nzira yake yakakwana kwaɀo;
Shoko raJehova rakaidzwa;
Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanoʋimba naye.
31Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova?
Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu?
32Iye Mŋari, unondisuŋga ciʋuno nesimba,
Unokwanisa nzira yaŋgu.
33Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzenondokadzi,
Unondiisa pamatunhu aŋgu akakwirira.
34Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa;
Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira.
35Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu;
Ruʋoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira,
Ʋuye ʋunyoro bgenyu bgakandiita mukuru.
36Makandiitira nɀimbo yakafarikana pandiŋgatsika;
Ʋuye tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka.
37Ndicateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nokuʋaɓata,
Handiŋgadzoki ɀe kuȿikira ʋapedzwa.
38Ndicaʋaɓaya, ʋakoniwe kusimuka;
Ʋacawira pasi petsoka dzaŋgu.
39Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro;
Makandikundisa ʋaindimukira.
40Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu,
Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga.
41Ʋakacema, asi kwakaŋga kusinaunoponesa,
KunaJehova, asi haana‐kuʋapindura.
42Ipapo ndakaʋapxanya‐pxanya seguruʋa pamberi pemhepo;
Ndakaʋarashira kure samatope enzira dzomumusha.
43Makandirwira pakukakaʋadzana kwaʋanhu;
Makandiita mukuru wendudzi;
Ʋanhu ʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi, ʋacandishumira.
44Ʋacaterera pakarepo kana ʋacindinzwa,
Ʋatorwa ʋacanamata kwandiri.
45Ʋatorwa ʋacatorerwa simba,
Ʋacaɓuɗa paʋaiʋanda ʋaciɗeɗera.
46Jehova mupenyu; ɗombo raŋgu ŋgarikudzwe;
Mŋari wokuponeswa kwaŋgu ŋgaarumbidzwe.
47Ndiye Mŋari unonditsiʋira,
Unondikundisa ndudzi dzaʋanhu.
48Iye unondirwira kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Ɀirokwaɀo, munondisimudzira kumsoro kwaʋanondimukira.
Munondirwira pamunhu unomanikidza.
49Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi,
Ndicaimbira zita renyu nziyo dzokukudza.
50Unopa mambo wake kuponeswa kukuru;
Unoitira muzodzwa wake ʋunyoro,
Iye Davidi nomŋana wake nokusiŋgaperi.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 18: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda