VaKorose 1
1
Kwaziso
1Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu, 2kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari; baba vedu.
Kuvonga kwaPauro pamusoro pavo
3Tinovonga Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai, 4zvatakanzwa zvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose, 5pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rechokwadi reVhangeri; 6iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yosewo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamuriwo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muchokwadi; 7sezvamakadzidza kuna Epafirasi, muranda pamwechete nesu, anodikanwa, mushumiri akatendeka waKristu nokuda kwenyu, 8iye akatiudzawo zvorudo rwenyu muMweya.
Pauro anovanyengeterera
9Saka nesuo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; 10kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo; 11muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomwoyo murefu, nomufaro; 12muvonge baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza; 13vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo; 14watine dzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.
15Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose; 16nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zvoushe, kana ushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake. 17Ndiye anotangira zvose, zvose zvakabatana maari. 18Ndiye musoro womuviri, ndiyo sangano; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose.
19Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari, 20kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa rake rakaparadzirwa romuchinjikwa naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.
21Nemiwo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa, 22asi zvino wakakuyananisai nomuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, musina mhosva, musingapomerwi, 23kana muchingorambira pakutenda makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeVhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo Vhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro.
Kutambudzika kwaPauro pamusoro pavo
24Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iro sangano; 25iro randakaitwa mushumiri waro sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari; 26ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake; 27kuna ivo Mwari waakada kuvazivisa upfumi hwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya; 28iye watinoparidza isu, tichirayira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe nouchenjeri hwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana muna Kristu; 29ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.
Zvasarudzwa nguva ino
VaKorose 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: