Muparidzi 12
12
1Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo; 2zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura; 3zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamawindo vasvibirwa; 4mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nezwi rokukuya richidedera; kana achimuka nezwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.
5Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kwose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi vachafamba-famba panzira dzomumusha; 6rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu, 7guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa. 8Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!”
Itya Mwari uchengete mirairo yake
9Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji. 10Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.
11Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa; akapiwa noMufudzi mumwechete. 12Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.
13Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, “Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. 14Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 12: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: