Jakobho 5
5
Vapfumi vasina ngoni vanotukwa
1Nhai, imi vapfumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai. 2Pfuma yenyu yakaora, nguo dzenyu dzapera nezviundudzi. 3Ndarama yenyu nesirivha yenyu zvine ngura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera pfuma pamazuva okupedzisira. 4Tarirai, mubayiro wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo. 5Makagara zvinonaka panyika muchikarira zvinofadza; makakodza mwoyo yenyu nezuva rokubaya. 6Makatongera wakarurama, mukamuuraya; haakudzivisiyi.
Tsungirirai kusvikira Ishe achiuya
7Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarirai, murimi anomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma. 8Nemiwo tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwava pedyo. 9Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi amire pamusuo.
10Hama dzangu mukutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raIshe. 11Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, akaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe anomwoyo munyoro kwazvo, ane tsitsi.
Musapika
12Asi, hama dzangu, kupfuura zvinhu zvose, musapika, kunyange nedenga, kana nenyika, kana nokupika kumwe kwose; asi hongu yenyu ngaive hongu, kwete yenyu ngaive kwete; kuti murege kutongwa.
Kunyengetera kune simba
13Kunomumwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo. 14Kuno mumwe anorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raIshe. 15Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa anorwara, Ishe achamumutsa; kana akaita zvivi achazviregererwa. 16Naizvozvo reururanai zvivi zvenyu, munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu akarurama kune simba guru pakubata kwako. 17Eria akanga ari munhu akaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu.
18Akanyengeterazve; denga rikanisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.
19Hama dzangu, kana kuno munhu pakati penyu akatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora, 20ngaazive kuti anodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji.
Zvasarudzwa nguva ino
Jakobho 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: