Mako 2
2
Jesu anoporesa munhu akafa mitezo
(Mateu 9:1-8; Ruka 5:17-26)
1Kwakati mazuva apfuura, akapindazve Kapenaume; vanhu vakanzwa kuti ari mumba. 2Vazhinji vakaungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamusuo; akavataurira shoko. 3Vakauya vakaisa kwaari munhu akanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.
4Zvino vakati vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari; vakati variputsa, vakaburusa nhoo, pakanga pavete munhu akanga akafa mitezo; 5Jesu akati achiona kutenda kwavo, akati kunoakanga akafa mitezo, “Mwana, waregererwa zvivi zvako.”
6Zvino vamwe vanyori vakanga vegeremo, vakafunga mumwoyo yavo, vachiti, 7“Uyu anorevereiko kudaro? Anoshonha Mwari; ndianiko anogona kuregerera zvivi, asi mumwechete, ndiye Mwari?”
8Pakarepo Jesu achiziva mumweya make kuti vanofunga kudaro mumwoyo yavo, akati kwavari, “Munofungireiko zvinhu izvi mumwoyo yenyu? 9Chakareruka ndechipiko, kuti kunowakafa mitezo, ’Waregererwa zvivi zvako,‘ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo dzako, ufambe?’
10“Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo), 11“Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!”
12Pakarepo akasimuka, akatora nhoo, ndokubuda pamberi pavo vose; naizvozvo vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, vachiti, “Hatina kumboona zvakadai.”
Kudanwa kwaRevhi
(Mateu 9:9-13; Ruka 5:27-32)
13Akabudazve akaenda kugungwa; vazhinji vose vakauya kwaari, akavadzidzisa. 14Akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere.” Akasimuka, akamutevera.
15Zvino akati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake; nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera. 16Zvino vanyori navaFarisi vakati vachimuona achidya navatadzi navateresi, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi anodyireiko navateresi navatadzi?”
17Jesu akati achizvinzwa, akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki murapi, asi vanorwara; handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Kuzvinyima zvokudya
(Mateu 9:14-17; Ruka 5:33-39)
18Vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya; vakauya vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vanozvinyimireiko zvokudya, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?”
19Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingazvinyima zvokudya seiko achiri kwavari? Havangazvinyimi zvokudya muwani achiri kwavari.
20“Asi mazuva achasvika, achazobviswa muwani kwavari; zvino nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
21“Hakuna munhu anosonera chiremo chitsva panguo yakasakara, nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguo yakasakara, buri rikanyanya.
22“Hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo tsaru; nokuti waini inoparusa hombodo, waini nehombodo zvikafa; asi waini itsva inodirwa muhombodo itsva.”
Jesu Ishe weSabata
(Mateu 12:1-8; Ruka 6:1-5)
23Kwakati nomusi weSabata, achifamba napakati peminda, vadzidzi vake vakatanga kupurura hura vachifamba.
24VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi weSabata?”
25Akati kwavari, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa zvokudya, aziya, iye navakanga vanaye? 26Kuti akapinda mumba maMwari, Abhiatari ari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza Mwari zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga, akapawo vaiva naye?”
27Akati kwavari, “Sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata; 28naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabatawo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: