Mako 7
7
Jesu anotuka vaFarisi navanyori pamusoro petsika dzavo
(Mateu 15:1-20)
1Zvino vaFarisi navamwe vavanyori vaibva Jerusaremu, vakaunganira kwaari; 2vakaona vamwe vadzidzi vake vachidya namaoko ane tsvina, ndokuti asina kushambwa.
3Nokuti vaFarisi, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba maoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru. 4Kana vachibva kumusika havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.
5Ipapo vaFarisi navanyori vakamubvunza, vachiti, “Vadzidzi venyu vanoregereiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namaoko ane tsvina?”
6Akati kwavari, “Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,
Asi mwoyo yavo iri kure neni.
7Asi vanondinamata pasina,
Vachidzidzisa zvakatemwa navanhu,
sokunge zvidzidziso zvechokwadi.’
8“Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.”
9Akati kwavari, “Zvirokwazvo, munoramba murayiro waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu; 10nokuti Mosesi akati, ‘Kudza baba vako namai vako, uye anotuka baba namai, ngaafe norufu.’
11“Asi imi munoti, kana munhu achiti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Koribhani,’ ndokuti chava chipo chaMwari, 12hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu, 13muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.”
14Akadanirazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditererei mose, munzwisise!
15“Hapana chinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.” 16[Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.] 17Zvino akati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.
18Akati kwavari, “Nemiwo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa?
19“Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu, zvichiraswa kunze. Nokutaura kwakadaro akanatsa zvokudya zvose.”
20Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu. 21Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, nokuba, nokuuraya, 22noupfeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, noutere, neziso rine godo, nokutuka, namanyawi, noupenzi; 23zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.”
Jesu anoporesa mwanasikana womukadzi weSirofenike
(Mateu 15:21-28)
24Akasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza. 25Nokuti mumwe mukadzi, aiva nomwanasikana muduku, akanga ane mweya wakaipa, akati achimunzwa, akauya akazviwisira pasi petsoka dzake. 26Zvino iye mukadzi aiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake. 27Akati kwaari, “Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.”
28Akapindura, akati kwaari, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana.”
29Akati kwaari, “Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako.”
30Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubhedha, mweya wakaipa wabva.
Jesu anoporesa munhu wematsi munyika yeDhekapori
31Zvino akati achibvazve munyika yeTire, akaenda napakati peSidhoni kugungwa reGariria, napakati penyika yeDhekapori. 32Vakaisa kwaari munhu wematsi, aiva mbeveve, vakakumbira zvikuru kuti aise ruoko rwake pamusoro pake. 33Akamubvisa pakati pavanhu vazhinji, ndokuenda naye parutivi, akapinza munwe munzeve dzake, akapfira mate, ndokubata rurimi rwake. 34Ipapo akatarira kudenga, akagomera, akati kwaari, “Efata,” ndokuti, “Dziuka.”
35Pakarepo nzeve dzake dzakadziuka, chisungo chorurimi rwake chikasununguka, akataura zvakanaka. 36Zvino akavarayira, kuti varege kuudza vanhu; asi iye achinyanya kuvarayira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo. 37Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti, “Akaita zvose zvakanaka; akaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 7: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: