Zvirevo 15
15
1Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa;
Asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.
2Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo;
Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi.
3Meso aJehovha ari pose-pose;
Achicherekedza vakaipa navakanaka.
4Rurimi runyoro muti woupenyu;
Asi rune nhema runoputsa mweya.
5Benzi rinoramba kurairira kwababa varo;
Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere.
6Mumba mowakarurama mune pfuma zhinji;
Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa.
7Miromo yavakachenjera inokusha zivo;
Asi mwoyo wamapenzi haudaro.
8Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha;
Asi munyengetero wowakarurama unomufadza.
9Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha;
Asi anoda munhu anotevera kururama.
10Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira;
Anovenga kurairwa achafa.
11Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha;
Ndoda mwoyo yavana vavanhu.
12Mudadi haadi kurairwa;
Anoramba kuenda kunowakachenjera.
13Mwoyo, wakafara, unofadza chiso;
Asi mweya unoputsa nomwoyo une shungu.
14Mwoyo woane njere unotsvaka zivo;
Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi.
15Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa;
Asi anomwoyo wakafara anomutambo nguva dzose.
16Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha,
Pakuti ave nepfuma yakawanda, achinyunyuta.
17Zviri nani kuti munhu ave
nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo,
Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo.
18Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara;
Asi anomwoyo murefu anonyaradza gakava.
19Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa;
Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa.
20Mwanakomana akachenjera anofadza baba;
Asi benzi rinoshora mai varo.
21Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri;
Asi munhu wenjere anofamba achirurama.
22Pasingaranganwi mano anokona;
Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.
23Munhu anofadzwa nemhinduro
yakarurama yomuromo wake;
Uye shoko, rinotaurwa nenguva
yakafanira, rakanaka sei!
24Nzira youpenyu yowakarurama
inokwira kumusoro;
Kuti apukunyuke paSheori pasi.
25Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza;
Asi muganho wechirikadzi anousimbisa.
26Mano akashata anonyangadza Jehovha;
Asi mashoko akachena anomufadza.
27Anokarira pfuma, anotambudza imba yake;
Asi anovenga zvipo, achararama.
28Mwoyo wowakarurama
unombofunga chaangapindura;
Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa.
29Jehovha ari kure navakaipa;
Asi anonzwa munyengetero wavakarurama.
30Meso anobwinya anofadza mwoyo;
Mashoko akanaka, anobva kumwe,
anokodza mapfupa.
31Nzeve, inoteerera kuraira,
kunoisa kuupenyu,
Ichagara pakati pavakachenjera.
32Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake;
Asi anoteerera kurairwa, anowana njere.
33Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri;
Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvirevo 15: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002