Zvirevo 29
29
1Munhu akarairwa kazhinji,
achiomesa mutsipa wake,
Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
2Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara;
Asi kana munhu wakaipa achibata
ushe, vanhu vanogomera.
3Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake;
Asi anoshamwaridzana nezvipfeve, anorasha pfuma yake.
4Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa;
Asi munhu wemitero, anoiparadza.
5Munhu anobata wokwake kumeso,
Anodzikira tsoka dzake mumbure.
6Pakudarika kwomunhu akashata pano musungo;
Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo.
7Akarurama anoziva kururamisira
mhaka dzavarombo;
Asi akaipa haanzwisisi zivo.
8Vadadi vanopisira guta;
Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi,
Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.
10Vanhu veropa vanovenga akarurama;
Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake.
11Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose;
Asi munhu akachenjera anodzidzora nokudzinyaradza.
12Kana mubati achiteerera nhema,
Varanda vake vose vachava vakaipa.
13Murombo nomunhu anomanikidza
vanosangana pamwechete;
Jehovha anovhenekera meso avose.
14Mambo, anoruramisira varombo nokutendeka,
Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.
15Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri;
Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.
16Kana vakaipa vowanda, kudarika kuwandawo;
Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza;
Zvirokwazvo achafadza mweya wako.
18Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu
vanoramba kudzorwa;
Asi anochengeta murayiro, anomufaro.
19Muranda angaramba kurairirwa namashoko bedzi;
Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa
hake, asi haane hanya nazvo.
20Unoona munhu unokurumidza kutsamwa?
Benzi riri nani kuna iye.
21Kana munhu achirera muranda wake
zvakanaka kubva pahuduku hwake,
Pakupedzisira achada kuva mwanakomana.
22Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara;
Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji.
23Kuzvikudza kwomunhu kuchamudukupisa;
Asi ano mweya anozvininipisa, achakudzwa.
24Ani naani anoshamwaridzana nembavha,
anovenga mweya wake;
Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu.
25Kutya munhu kunouyisa musungo;
Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa.
26Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati;
Asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
27Munhu asakarurama anonyangadza akarurama;
Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvirevo 29: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002