Mapisarema 93
93
Jehovha ndiye Mambo mukuru
1Jehovha anobata ushe; akafuka umambo;
Jehovha akafuka simba,
akazvisunga chiuno naro;
Nyikawo yakateyiwa, haingazununguswi.
2Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kubva kare;
Imi muripo kubva pakusingaperi.
3Jehovha, nzizi dzakanzwisa.
Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo;
Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.
4Jehovha anokunda mazwi emvura zhinji,
Namafungu ane simba egungwa,
Jehovha, ari kumusoro, ndiye ane simba.
5Zvipupuriro zvenyu ndezvamazvokwadi kwazvo;
Utsvene unofanira imba yenyu,
Jehovha, nokusingaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 93: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002
Mapisarema 93
93
Jehovha ndiye Mambo mukuru
1Jehovha anobata ushe; akafuka umambo;
Jehovha akafuka simba,
akazvisunga chiuno naro;
Nyikawo yakateyiwa, haingazununguswi.
2Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kubva kare;
Imi muripo kubva pakusingaperi.
3Jehovha, nzizi dzakanzwisa.
Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo;
Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.
4Jehovha anokunda mazwi emvura zhinji,
Namafungu ane simba egungwa,
Jehovha, ari kumusoro, ndiye ane simba.
5Zvipupuriro zvenyu ndezvamazvokwadi kwazvo;
Utsvene unofanira imba yenyu,
Jehovha, nokusingaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002