1 Vakorinde 10
10
Chenjererai vamwari vasirivo
1Hama ndingade kuti muzive kuti madzitateguru edu ose akanga ari pasi pegore. Uye vose vakapfuura nomugungwa. 2Vose vakabatanidzwa naMosesi nokuombekwa kwavakaitwa mugore nomugungwa. 3Vose vakadya chokudya chezvomweya; vose vakanwa chokunwa chezvomweya nokuti vakanwa padombo rezvomweya raivatevera. 4Dombo iroro raiva Kristu. 5Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo nokuti vakaitwa gatakata kuraiwa murenje.
6Zvino izvi zvinotiyambira kuti tirege kudokwairira zvakaipa sezvavakaita. 7Musanamate vamwari vasirivo sezvakaita vamwe vavo. Ndokusaka zvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vachidya nokunwa vakasimuka votamba.” 8Hatifaniri kuita zvounzenza sezvakaita vamwe vavo pakafa zviuru makumi maviri ane zvitatu pazuva rimwechetero. 9Hatifaniri kuedza Tenzi#10:9 Tenzi: ChiGiriki chinoti Kristu. sezvakaitwa navamwe vavo vakauraiwa nenyoka. 10Hamufaniri kunyunyuta sezvakaita vamwe vavo vakaparadzwa noMuparadzi.
11Izvi zvakaitika kwavari seyambiro asi zvakanyorerwa kuti zvitidzidzise isu tiri panguva yamagumo apasi. 12Naizvozvo munhu wose anofunga kuti akamira ngaazvingwarire nokuti angadaro akaputsika. 13Hamuna kumbova nechiedzo chisina kumbowira vamwe. Mwari akatendeka. Haakuregei muchiedzwa zvinopfuura simba renyu. Pamwe nechiedzo anopawo nzira yokupukunyuka nayo kuti ukwanise kuchirwisa.#10:13 Kuchirwisa: MuchiGiriki rinoreva kuti kuchitirira.
Siyanai navamwari vasirivo
14Naizvozvo, hama dzangu, siyanai nokunamata vamwari vasivo. 15Ini ndiri kutaura kuvanhu vanonzwisisa zvionereiwo pachenyu zvandiri kutaura. 16Mukombe wokutenda watinokomborera hakusi kunwidzana ropa raKristu here. Ko chingwa chatinomedura hakusi kudyidzana muviri waKristu here? 17Pamusana pokuti pane chingwa chimwechete, isu takawanda kudai, tiri muviri mumwechete nokuti tinodya chingwa chimwechete. 18Tarisai muone vaIsiraeri kuti, savanhu vaya vanodya chibayiro havasikubatana here paatari? 19Ko zvino ndiri kurevei nazvo? Ndiri kureva kuti chokudya chakapirwa kunavamwari vasivo chinhu chinebasa here? Kana kuti mwari asiriye chinhu here? 20Kwete, zvandiri kureva ndezvizvi zvokuti zvavanopira vanopira kumweya yakaipa kwete kuna Mwari. Ini handidi kuti mudyidzane nemweya yakaipa. 21Hamunganwi mukombe waTenzi nomukombe wemweya yakaipa. Hamugoni kudya patafura yaTenzi muchizondodyirawo patafura yemweya yakaipa. 22Asi tinoda kudenha shanje dzaTenzi here? Takasimba kupinda iye here?
Chokudya chakapirwa kuna vamwari vasirivo
23Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinovaka. 24Munhu ngaarege kufunga zvinobatsira iye pachake chete asi ngaafunge zvinobatsira mumwe wake. 25Unogona kudya nyama iri yose inotengeswa pamusika usingabvunzi chinhu kuitira hana yako.
26Chikonzero chacho ndechokuti nyika ndeyaTenzi nazvose zvirimo mairi. 27Kana mumwe munhu asiri mutendi akakukoka kundodya iwe uchikwanisa kuenda, idya chose chaanokupa usina kubvunza kuitira hana yako. 28Asi mumwe munhu akati kwauri ichi chakapirwa sechibayiro, pakadaro apo, pamusana pomunhu akutaurira, uye kuitirawo hana, 29ndinoreva hana yake kwete yako, rega kuchidya. Ungati, “Rusununguko rwangu rwatadziswa kusvika parunoda here pamusana pehana yomumwe? 30Ko kana ndichitenda Mwari pakudya ndinopirwei mhosva chokudya chandinodya ndatenda?” 31Nokudaro kunyange ukadya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, zviite zvose kurumbidza Mwari. 32Asi usakanganise vaJudha kana vaGiriki kana Sangano raMwari. 33Sezvandinoita ini kuedza kufadza vanhu vose muna zvose zvandaiita ndisingazviitire ini asi kubatsira voruzhinji kuti vaponeswe.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 10: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.