Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 12

12
Kuuraiwa kwaJemusi nokusungwa kwaPita
1Pamazuva anenge iwayo mambo Herodhi akatambudza vamwe vaiva vesangano. 2Akauraya Jemusi mukoma waJohani nebakatwa. 3Paakaona kuti zvakafadza vaJudha akaenderera mberi nokusungawo Pita. Aya akanga ari mazuva echingwa chisina mbiriso. 4Paakamubata akamuisa mujeri akamuisa mumaoko ezvikwata zvina zvamasoja kuti zvimuchengetedze achida kuzomuisa kuvanhu mushure mePasika. 5Ipapo Pita akachengetedzwa ari mujeri. Asi sangano rakamunamatira zvikuru kuna Mwari.
Mutumwa waMwari anoburitsa Pita mujeri
6Usiku ihwohwo hwokuti mangwana acho Herodhi paaizoda kumuburitsa, Pita akanga avete pakati pamasoja maviri akasungwa nengetani mbiri uye varindi vapajeri vakanga vachichengetedza jeri vari pamberi pemusuo. 7Hoyo mutumwa waTenzi akaerekana avemo mukapenya chiedza muchitokisi chaakanga ari. Akazunguza Pita pabendekete akamumutsa achiti, “Kurumidza kusimuka.” Ngetani dzaiva mumaoko ake dzakabva dzadonhera pasi. 8Mutumwa akati kwaari, “Pfeka shangu dzako,” iye akaita saizvozvo. Akatizve, “Zvimonerere jasi rako unditevere” akabuda kunze achimutevera. 9Haana kuziva kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zviri zvechokwadi. Aifunga kuti ari kuona chiratidzo. 10Pavakapfuura varindi vokutanga nevechipiri vakasvika kusuo guru resimbi rokupinda naro muguta. Rakangovazarukira roga. Ivo ndokubuda ndokutevedza mumwe mugwagwa, mutumwa akayerekana asisipo. 11Pita akapengenuka akati zvino ndava nechokwadi kuti Tenzi atuma mutumwa wake akandinunura mumaoko maHerodhi uye kune zvose zvaitarisirwa navaJudha.
12Paakaziva izvi, akaenda kumba kwaMaria amai vaJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako kwakanga kwaunganwa navanhu vazhinji vachinamata. 13Paakagogodza pagonhi resuo guru, musikana ainzi Rodha akauya kuzonzwa kuti ndiani. 14Paakaziva kuti izwi iri nderaPita pamusana pokufara haana kuzarura suo guru asi akamhanyira makare akataura kuti, “Pita akamira pasuo guru.” 15Vakamuti, “Wavakupenga iwe!” Paakaramba achingoti ndizvo chaizvo, vakati angatova mutumwa wake. 16Asi Pita akaramba achigogodza. Pavakazarura vakamuona vakashamiswa kwazvo. 17Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo. 18Pakwakaedza rakave besanwa pakati pamasoja kuti chii chakanga chaitika kuna Pita. 19Herodhi paakamutsvaka akamushaya. Akabvunzisisa varindi akati, “Vanofanira kuurawa.” Herodhi akadzika kuSezaria achibva Judhea akagarako.
Rufu rwaHerodhi
20Herodhi akashatirirwa vanhu veTire neSidhoni zvikuru. Nezvo vakaenda kwaari vari chikwata. Ipapo vakanga vashamwaridzana naBhurasitosi mukuru mukuru wapamba pamambo. Saizvozvo vakakumbira kuti pave norugare nokuti nyika yavo yaitoraramiswa nezvokudya chinobva kunyika yamambo.
21Pazuva rakanga rasarudzwa, Herodhi akapfeka hanzu dzake dzoumambo ndokugara pachigaro chake choumambo akataura kwavari zvinoyevedza, vanhu vakadaidzira vachiti, 22“Inga izwi romumwe mwari chaiye kwete romunhu.” 23Pakarepo mutumwa waTenzi akamurova nokuti haana kupa mbiri yacho kuna Mwari. Akadyiwa nehonye akafa.
24Asi Shoko raMwari rakaramba richikura richiwanda.
25Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusaremu pavakapedza zvavakanga vafambira vakauya naJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 12: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda